Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inodzinga Vaimbova Mumiriri we Libya Munyika


Hurumende yadzinga neChipiri vange vari mumiriri weLibya muZimbabwe, Va Taher Elmagrahi, mushure mekunge Va Elmagrahi vabuda pachena svondo rapera kuti vave kutsigira vari kupandukira mutungamiri weLibya, Va Muammar Gadhafi, kunyika kwavo.

Vachitaura nevatori venhau mu Harare, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Va Simbarashe Mumbengegwi, vati VaElmagrahi pamwe nevashandi vose vepa muzinda we Libya muHarare vakazvidzinga vega mushure mekunge vabuda pachena svondo rapera kuti vanotsigira vari kubvisa Va Gadhafi pachigaro nechisimba.

Musangano waitwa naVaMumbengegwi nevatori venhau unotevera musangano waitwa nemunyori mubazi rinoona nezvekudyina nedzimwe nyika, Va Joey Bimha, naivo Va Elmagrahi pachavo.

Va Bimha vaudza Studio7 kuti Va Elmagrahi havasisiri mumiriri we Libya muZimbabwe.

Va Bimha vati Va Elmagrahi nevashandi vepamuzinda we Libya vapihwa mazuva matatu kuti vabude munyika.

Va Elmagrahi vati vanotambira danho ratorwa neZimbabwe.

Kudzingwa kwaitwa VaElmagrahi ndekekutanga kuti mumiriri weimwe nyika adzingwe mu Zimbabwe kunyange hazvo hurumende yakambotyisidzira kudzinga vaimbova mumiriri we America muZimbabwe, VaChristopher Dell.

Zvizvarwa zveLibya zvakapisa mureza wenyika yazvo ndokukwidzwa mureza uri kushandiswa neNational Transitional Council pamuzinda weLibya muHarare. Va Elmagrahi vanga vachifamba vasina mureza wenyika yavo sezvinodiwa pamutemo kuti vamiriri vedzimwe nyika vaite.

Pamuzinda weLibya panga pasina mureza weNTC asi panga pakakwidzwa mureza we African Union.

VaGadhafi havasi kuzivikanwa kuti varipi, asi mudzimai wavo, Safia, nemwanasikana wavo, Aisha pamwe nevanakomana vaviri, Hannibal na Mohamed, vapotera kuAlgeria

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nekodzero dzevanhu vanoti zvaitwa nehurumende yeZimbabwe hazvina kunaka.

Va Ozias Tungwarara inyanzvi munyaya dzemitemo pamwe nezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Open Society Institute – Southern Africa mubazi re Governance, Monitoring and Advocacy Project.

VaTungwarara vanoti hurumende yeZimbabwe ingadai yakamboti mirei nekuti hazvizivikanwe kuti kuLibya kunenge kwakamira sei pane remangwana.

XS
SM
MD
LG