Accessibility links

Breaking News

IMF Yotanga Misangano Ichizeya Mamairiro Akaita Hupfumi muZimbabwe


Chikwata che International Monetary Fund, IMF chakapinda munyika neChitatu kuzotanga misangano yakakosha zvikuru neZimbabwe pasi pechirongwa cheStaff Monitored Program kana kuti SMP.

Chirongwa ichi ndechekuedza kuumbiridza zvakare hukama hwehurumemnde nebhanga iri. IMF iri kuita misangano nebazi rezvemari, sangano reChamber of Mines, banga guru renyika nemamwe mapazi nemasangano anoita zvehupfumi.

Chirongwa ichi chakawiriranwa munguva yehurumende yemubatanidzwa uye chaifanira kutora mwedzi minomwe kubva muna Kubvumbi kusvika muna Mbudzi gore rapera. Asi nekuda kwesarudzo dzakazoitwa uye chirongwa chitsva chehurumende yeZanu-PF cheZIMASSET, SMP yakazowedzerwa kusvika gore rino.

IMF iri kuda kuti Zimbabwe igadzirise zvinhu zvakafanana nemari yainoti yakawandisa iri kushandiswa nehurumende kubhadhara vashandi vayo, uye kuronga nzira dzekubhadhara zvikwereti zvine Zimbabwe kubhanga iri nemamwe mabhanga ekunze.

Chirongwa ichi hachirevi kuti zimbabwe inenge yokwereteswa mari. Asi gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti vachayedza kukumbira rubatsiro rwemari.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze vanoti misangano yeIMF eZimbabwe yakakosha munyaya dzekumutsiridza hupfumi hwenyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG