Sangano re International Labour Organization rinoti riri kushanda nemadzimai ekumaruwa richiyedza kuvakwiridzira kuitira kuti madzimai aya asimudzire hupenyu hwavo.
Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa chinonzi Joint Program on Gender Equality icho chiri kutsigirwawo nemamwe mapazi e United Nations.
Mashoko aya anobuda panguva iyo pasi rose riri kucherechedza zuva revanhukadzi vanogara kumaruwa.
Mutauriri we ILO muZimbabwe, Amai Maria Mutandwa, vanoti sangano ravo riri kuita mabasa ari kubatsira vanhukadzi kumaruwa kuitira kuti vazvimirire muhupenyu hwavo.
Amai Mutandwa vanoti mamwe mabasa ari kuitwa nemadzimai anosanganisira kuchengeta huku, kurima miriwo nezvimwe zvinovapa mari.
Mutungamiri we sangano reZimbabwe Women’s Bureau, Muzvare Ronika Mumbire, vanoti vachaita zvirongwa zvekurangarira zuva revanhukadzi kumaruwa svondo rinouya.
Zuva re International Rural Women rakacherechedzwa pasi rose neChina.