Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatsirwa neMari Inoita $55m Ichasimudzira Kurima


Zimbabwe nesangano reInternational Fund for Agricultural Development kand kuti IFAD zvasainirana chirongwa chekuti hurumende ichabhadhara chikwereti chayo sei kusangano iri izvo zvichaita kuti sangano iri ritangise kubatsira hurumende nemari kutanga gore rinouya.

Vachitaura apo vasainirana chibvumirano ichi, mukuru wesangano reIFAD kumabvazuva nekuchamhembe kweAfrica, VaSana Jatta, vati hurumende yakatobhadhara mamiriyoni maviri nemazana matatu ezviuru zvemadhora yechikwereti chemamiriyoni makumi maviri nematatu emadhora chainayo kuIFAD uye yakaita chitsidzo chekuti ichabhadhara imwe mari yasara mukati memakore mashanu anotevera.

VaJatta vati nekuda kwaizvozvo sangano ravo richatsigira Zimbabwe nemamiriyoni makumi mashanu nemashanu emadhora ekusimudzira mabasa ekudiridziri zvikurusei mumaruwa.

VaJatta vati rubatsiro urwu runogona kuwedzerwa kana hurumende ikasatadza kubhadhara zvikwereti zvekare.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaPaddy Zhanda, vati chirongwa chiri kutsigirwa neIFAD chakakosha zvikurusei tikatarisa kuti mvura haisi kunaya zvakanaka munyika.

VaZhanda vati mabasa ekudiriridzira chete ndiwo angatongoita kuti munyika muve nechikafau chakakwana.

VaZhanda vanoti pane mhuri dzinodarika zviuru makumi maviri dzichabatsirika zvikuru nechirongwa cheIFAD.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vati nekuda kwekusanaya kwemvura, nyaya yekudiridzira ndiyo chete ingaite kuti nyika ive nechikafu chakakwana. Vati hurumende ichatotsvaka mari yakawanda yekusimudzira mabasa ekudiridzira munyika.

VaChinamasa vatiwo hapana murimi achapihwa zvinhu pachena uye vanoda kuti mari ichabva kuIFAD ishandiswe zvine mwero zvekuti ichabatsira vanhu vakawanda.

IFAD yakamisa kutsigira mabasa ekurima muZimbabwe muna 2006 mushure mekunge hurumende yatadza kubhadhara chikwereti chayo uye VaJatta vati sangano ravo rakazvipira kuwedzera mari yaro yerutsigiro kuZimbabwe kana ikabhadharwa chikwereti chayo chose nenguva yakatarwa

XS
SM
MD
LG