Accessibility links

Breaking News

Iran Yovimbisa Kusimudzira Mabasa eMauto muZimbabwe


Iran inoti ichabatsira Zimbabwe munyaya dzekusimbisa mauto ayo, kuitira kuti ikwanise kuzvidzivirira kubva kuvavengi vekumadokera.

Gurukota rezvekudziwirirwa kwenyika muIran, VaAhmad Vahidi, vakataura mashoko aya neSvondo muTehran mushure mekusangana negurukota rezvekudziwirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vari kushanya kunyika iyi.

Iran yakatotanga kare kubatsira Zimbabwe kuburikidza nekuvhurwa kwenzvimbo ichange ichigadzirirwa zvikopokopo muHarare.

Zimbabwe inonzi haichina kusimba zvakanyanya munyaya dzechiuto nekuda kwezvirango zvainoti yakatemerwa nenyika dzekumawirira.

Zimbabwe yave kudyidzanawo zvakanyanya neChina munyaya dzechiuto, nezvimwe zvakawanda.

Sachigaro weZimbabwe Global Forum, South Africa chapter, uye vakamboshanda muchiuto, VaSolomon Chikowero, vaudza Studio7 kuti hurongwa hwekuti lran ibatsire Zimbabwe munyaya dzechiuto hahuna zvikuru zvahunobatsira sezvo Zimbabwe isina kutarisana nehondo.

XS
SM
MD
LG