Accessibility links

Breaking News

VaSupa Mandiwanzira Vanoti Hurumende Haisi Kuzovhara Whatsapp, Viber neSkype


VaSupa Mandiwanzira
VaSupa Mandiwanzira

Gurukota rinoona nezvehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko kana kuti Information Technology VaSupa Mandiwanzira vanoti hurumende haina hurongwa hwekudzivisa vanhu kushandisa whatsapp, viber, skype nezvimwe zvikwanisiro panharembozha dzavo sezvange zvokurudzirwa nevamwe vemakambani embozhanhare.

Vemakambani aya vanoti vari kutadza kuita mari nekuti vanhu vose vari kushandisa whatsapp, viber, skype nezvimwe zvisingadi mari yakawanda zvopa kuti makambani aya ashaye mari.

VaMandiwanzira vaudza Studio 7 kuti vaumba homwe yekuti hurumende ishande nemakambani ezvembozhanhare kuti vabatsire vechidiki vanoda kukwenenzvera hunyanzvi hawo kuti vagadzire zvikwanisiro zvekuzotengeserawo dzimwe nyika kwete kuda kuvhara zviripo kare.

Makambani embozhanhare ari muZimbabwe anosanganisa Econet, Telecel neTel One.

Makambani aya ari kugunun'una kuti mari dzekutenga michina yekutumira mashoko dzakawandisa nekudaro vanhu vakashandisa zvinhu zvemari ine mutengo wakaderera hapana chouviri chavanowana.

Asi vanhu munyika vanoti nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzehupfumi, havakwanise kubhadhara mitero yakakura kumakambani embozhanhare.

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG