Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Haione Hupfumi hweZimbabwe Huchikwira Zvakanyanya


VaPatrick Chinamasa gurukota rezvehupfumi
VaPatrick Chinamasa gurukota rezvehupfumi

Bhanga reWorld Bank rinoti hupfumi hweZimbabwe huchakwira gore rino ne 1,5% chete kwete 2, 7% sezvakataurwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Bhanga reWorld Bank rinoti hupfumi hweZimbabwe huchakwira gore rino ne 1,5% chete kwete 2, 7% sezvakataurwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa.

Mashoko aya abuda apo bhanga iri raparura chirongwa chekutanga chekutarisa mamiriro ehupfumi hwenyika chinonzi Zimbabwe Economic Update kana kuti ZEU.

Chirongwa ichi chinotarisa zvakare nyaya dzezvehutano nezvimwe.

Chipangamazano muWorld Bank vachiona nezveZimbabwe, VaJohannes Hederschee, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe kuti igadzirise nyaya dzezvehupfumi.

Vati izvi zvinosanganisira kuvandudza kujekesa mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uye mimwe mitemo inongochinja kunge mamiriro ekunze.

VaHederschee vaudza Studio7 kuti World Bank haisi kuzopa Zimbabwe zvikwereti asi kuti iri kungopa nyika mazano kusvika yabhadhara chikwereti chayo chairi kutadza kubhadhara sezvakatenderanwa.

Zvichakadaro, gavhuna webhanga guru renyika, Doctor John Mangudya, vaparura neChina chirongwa chegwara rezvehupfumi chegore rino kana kuti Monetrary Policy 2016 muHarare.

Vachitaura pachirongwa ichi, VaMangudya vataura zvinhu zvakawanda zvinoita kuti hupfumi hwenyika hutange kushanda zvakanaka.

Vange vachitarisa nyaya yekukwezva vemabhizimisi vekunze uye kuti vemabhanga vatange kukweretesa vanhu mari nemutengo wakaderera.

VaMangudya vatiwo hurumende iri kuda kuti mari iri kutengeswa kumangoda iindeswe muhomwe yebhanga iri vachiti hapana kudzokera kumashure pakubatanidza makambani ari kuchera mangoda kwaMarange.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti muromo hauzarirwe nerwizi sezvo mashoko aVaMangudya akanaka chose asi kazhinji kacho hapana chido chinoratidzwa nehurumende chekuzadzikisa kurudziro dzakadai.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG