Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuomesera Vanovaka Dzimba Vachiita Chitsotsi

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwe
Hurumende inoti iri kuronga kugadza mutemo mutsva uchange uchibata vanoita zvekuvaka dzimba kuitira kuti vanhu ava vasaite zvehuori kana kudya mari dzevanhu.

Mashoko aya ataurwa negurukota rinoona nezvekuvakwa kwedzimba, Va Giles Mutsekwa, vanoti bazi ravo riri kutumira nyanzvi kumakanzuru ose munyika kuti dzinoferefeta huwori hunonzi huri kuitwa mukutengeseswa kwemasitendi. VaMutsekwa vanoti vari kushanda zvakasimba kuitira kuti veruzhinji vawane pekugara.

Va Mutsekwa vanoti senzira yekuedza kupedza dambudziko rekushaya dzimba rakatarisana neveruzhinji, hurumende yakawirirana neimwe kambani yeku Italy yavati ichavaka dzimba dzakachipa zvinozoita kuti vanhu vazhinji vagokwanisa kudzitenga. Pari zvino dzimba zhinji dziri kutengeswa nemari inokwana zviuru makumi manomwe zvemadhora kana kudarika.

Bazi rinowona nezvekuvakwa kwedzimba rinoti pane vanhu vakanyoresa kuti vapihwe masitendi vanodarika miriyoni nezviuru mazana mashanu. Bazi iri rinoti rine hurongwa hwekuvaka dzimba dzakaturikidzana kuitira kuti vanhu vazhinji vawane pekugara sezvo richiti dambudziko riripo nderekuti pekuvakira dzimba pacho hapakwanire vanhu vakanyoresa kuti vawane masitendi pamwe nevasati vanyoresa.

VaMutsekwa vanoti rimwe dambudziko riri kusangana neveruzhinji vari kutsvaga pekugara nderekuti vari kudyirwa mari nevema cooperative ayo avati mazhinji acho ari kuunganidza vanhu achiti anovatsvagira dzimba asi iwo achishandiswa nevemapato ezvematongerwo enyika kuti atsvagire mapato aya rutsigiro.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG