Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neHIV/AIDS Vochema kuHurumende Vachiti Vanodya Chikafu Chinokodzera


HIV/AIDS activist Stanley Takaona
HIV/AIDS activist Stanley Takaona

VaStanley Takaona vesangano re Zimbabwe HIV/AIDS Activist Union Community Trust, avo vanoraramawo neHIV, vanoti mapiritsi anorwadza zvikuru akanwiwa pasina chikafu.

Vanorarama neHIV/AIDS vari pamapiritsi emaAnti Retro Viral Drugs, ARVs, vanoti vari kukumbira kuhurumende nemasangano akazvimirira kuti vavawanire chikafu chakakwana sezvo mishonga yavari kunwa ichida kunwiwa nemunhu anenge adya chikafu chakakodzera.

Muzvare Eulidis Mapuranga vave nemakore mashanu vachirarama neHIV/AIDS, uye vari kunwa ma ARVs.

Muzvare Mapuranga vanorarama nekutenga zvinhu muHarare vachinochinjanisa nezvirimwa kana kutengesa nemari kumaruwa akatenderedza guta reHarare.

Asi vanoti bhizimusi ravo harisi kuchafamba semazuva ese gore rino nekuda kwenzara.

Vanoti izvi zvave kukanganisa hutano hwavo sezvo vasingachawani zvekudya zvakakwana zvinovaka muviri.

Muzvare Mapuranga vanoti mapiritsi avanomwa anoda chikafu chakakwana, asi nekuda kwenzara yegore rino, vanogona kuzotadza kuramba vachinwa mapiritsi aya.

Izvi zvatsigirwa naVa Itai Chizema avo vatiwo dai hurumende nemasangno anobatsirawo nechikafu vatarisawo vari kurarama neHIV/AIDS voiswa pazvikamu zvinoda rubatsiro nechimbi-chimbi.

VaStanley Takaona vesangano re Zimbabwe HIV/AIDS Activist Union Community Trust, avo vanoraramawo neHIV, vanoti mapiritsi anorwadza zvikuru akanwiwa pasina chikafu.

Vanoti nenzara yakatarisana nenyika, vamwe vari kurarama nehutachiona vanogona kusazonwa mapiritsi aya kana kutourawa nawo nenyaya yekushaya zvekudya.

VaTakaona, avo vave pamapiritsi anonzi "Second Line Drugs" vanoti kunwa mapiritsi aya pasina chikafu zvine njodzi huru.

VaTakaona vanoti mapiritsi aya achangotanga kupiwa pachena, masangano akazvimirira aimbopawo vanorarama neHIV/AIDS zvinobatsira kuvaka muviri. Vanoti dai masangano aya akatanga zvakare kubatsira avo vari kushaya chikafu chakakwana.

Imwezve nyanzvi munyaya dzezveutano, kusanganisira HIV/Aids, Muzvare Muchaneta Mukamuri, vano ichokwadi kuti mapiritsi mazhinji anoda kunwiwa nemunhu anenge adya chikafu kuitira kuti anyatsoshanda zvakanaka nekusavhiringa hutano hwemunhu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende kana kumasangano akazvimirira kuti vachaita seyi nechikumbiro chiri kubva kuvanhu vanorarama neHIV/AIDS.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzakatarisana nenzara inotyisa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura pamwe nekutadza kuronga kwehurumende munyaya dzehupfumi.

Sangano reUNAIDS rinoti Zimbabwe ine vanhu vanosvika miroyoni imwe chete mazana matanhatu ezviuru vari kurarama neHIV/AIDS.

Vanorarama neHIV/AIDS vanoti kunyange hazvo Zimbabwe yanga yaedza kuona kuti vaenda pamishonga, budiriro iyi inogona kudzoswa shure sezvo vanhu vakawanda vasina chikafu.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG