Accessibility links

Breaking News

Ongororo Yekutsvaga Dzimwe Nzira Dzokurwisa Hutachiwona Hwe HIV/AIDS Yobudirira


Ongororo yakaitwa neUniversity of Zimbabwe yakabatana neUniversity of California – San Francisco yekurwisa kupararira kwehutachiwona hweHIV/AIDS mumadzimai vachishandisa varginal ring inopfekwa munhengo yemadzimai inonzi yakabudirira.

Ongororo iyi yakaitwa muZimbabwe, Malawi, Uganda ne South Africa pasi pechirongwa chinonzi Aspire Study chakaitirwa munyika yekuSouth Africa chichinzi Ring study.

Mutungamiri weongororo iyi, Dr Nyaradzo Mgodi avo vari muAmerica parizvino vachipinda mumusangano we Retroviruses And Opportunistic Infections urikuitirwa muBoston vanoti vari kufadzwa nezvakabuda muongororo iyi sezvo zvichabatsira madzimai akawanda mukurwisa hutachiona hwe HIV/AIDS.

Musangano uyu wakatanga neMuvhuro uye uri kutarisirwa kupera neChina. Vanoona nezvehutano muhurumende kubva kunyika dzakasiyana siyana navana mazvikokota munyaya dzezvehutano ndivo vari kupinda mumusangano uyu.

"Tiri kufara nekuti ongororo iyi iri kutipa mukana wekuona kuti tingawane seyi dzimwe nzira dzekubatsira madzimai kuti vasawanikwe vachibatwa nehutachiwona hwe HIV/AIDs uhwo hunokonzera chirwere chemukondombera," Dr Mgodi vaudza Studio7.

Dr Mgodi vanoti ongororo yavo yakaona kuti varginal ring iyi inonyanya kushanda pamadzimai echikuru kukunda madzimai echidiki. Vanoti zvirikunyanya kufadza ndezvekuti kana zvakabuda zvikazokwanisa kuti zvipihwe mvumo yekuti zvishandiswe zvichabatsira madzimai akawanda.

"Parizvino tichiri kupedzisa kunyora zvinyorwa zvinotarisa zvakabuda muwongororo yatakaita iyi uye shuwiro yedu ndeyekuti tiwane mukana wekuti makambani atakashanda navo atipe bvumo yekuti chirongwa ichi chikwanise nyoreswa choparurwa chozowanikwa chichi svika kumadzimai asi parizvino pachiri nenguva kuti tisvike ikoko," Dr Mgodi vakadaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00

XS
SM
MD
LG