Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Ronzwa Svondo Rinouya Chikumbiro cheKumanikidza Varairidzi Vari KUIramwa Mabasa Kudzidzisa Vana


Teachers Zimbabwe

Dare repamusoro muBulawayo raendesa mberi kunzwikwa kwechikumbiro chechimbi chimbi chakaitwa nemumwe mudzidzi chekuti dare iri rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.

Mutongi wedare reHigh Court, Justice Nokuthula Moyo, vati chikumbiro
ichi chichanzwikwa nemusi weChishanu svondo rinouya

Izvi zvinotevera kukwira kudare nechikumbiro chechimbi chimbi kwakaita
mumwe mudzidzisi atisingagone kudoma nezita sezvo asati abve zera, uyo
ari kumiririrwa nambuya vake (Amai Senzeni Nyathi) chekuti dare
reHigh Court rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.

Chikumbiro ichi chinodoma masangano anomirira varairidzi mashanu
anosanganisira Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Educators Union of Zimbabwe, pamwe neProgressive Teachers Union of Zimbabwe.

Chinodomawo Public Service Commission nemakurukota ezvedzidzo yepasi, mari, uye mabasa nekugara zvakanaka kwevanhu.

Rimwe remagweta ari kumirira masangano evarariridzi, VaWilbert Mndinde, vaudza Studio 7 kuti Justice Moyo vaendesa nyaya iyi mberi vakatiwo vakakwidza chikumbiro ichi kudare vabhadhare mari dzine chekuita nekunzwikwa kwaitwa nyaya iyi nhasi sezvo vange vasina kuendesa magwaro ose kune vose vakadomwa panyaya iyi sezvakafanira pamutemo wematare.

Gweta riri kumirira akakwidza chikumbiro ichi kudare, VaBrighton Ndove,
vabvuma kuti kunzwikwa kwenyaya iyi kwaendeswa mberi vachiti ivo
vachagadziriswa zvinoda kugadziriswa sezvataurwa nedare.

Mutungamiri wesangano reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe,VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vachamirira zvinobuda mudare asi maonero avo ndeekuti ikodzero yavo sevashandi kuti varwire kuwana muhoro wakafanira.

Pave nenguva yakareba varairidzi vachinetsana nehurumende vachiti
vanoda kuwana muhoro wemadhora ekuAmerica mazana mashanu nemakumi mana pamwedzi inove mari yavaiwana hurumende isati yachinja huremu hwemari yemuno.

Asi hurumende inoti haikwanise kupa varairidzi mari yakawanda kudai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG