Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoimbazve Rumwe Rwiyo paNyaya yeBhonasi yeVamwe Vashandi Vayo


Chinamasa Budget
Chinamasa Budget

Vakafanobata chigaro chegurukota rinooona nezvevashandi vehurumende, VaWalter Mzembi, neChina vakazivisa kuti vashandi vese vehurumende vachange vawana mari dzavo dzemabhonasi nemusi wa 23 mwedzi uno.

VaMzembi vanoti kunyange hazvo hurumende iri kunetsekana nekuwana mari yakazvipira kuona kuti mushandi wayo wese apihwa bhonasi.

Vanotiwo vavimbiswa nebazi rezvemari kuti vana mukoti navese vanoshanda muchikamu chinoona nezvehutano vachabhadharwa mabhonasi avo musi wa14 mwedzi uno uye vamwe vese vashandi vese vehurumende vasati vawana mabhonasi vachipihwa mabhonasi avo musi was 23 mwedzi uno.

Hurumende iyo iri kunetseka nekuwana mari yakatadza kubhadhara vashandi vayo vese mabhonasi muna Mbudzi sezvainosiita makore ese asi yakakwakwanisa kubhadhara mauto, mapurisa nemagadhijere chete. Varairidzi vakatopihwa mabhonasi avo mukutanga kwesvondo rino.

Mune imwewo nyaya, VaMzembi avo vakasanobatazve chigaro chegurukota rezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa vati vese vanoda kuziva nezvekuchengetedzwa kwemhuka nezviwanikwa munyika vanofanira kutaura nehurumende kwete nevanhu vasiri muhurumende.

Vati masangano ari kuda kuti Zimbabwe irambidzwe kutengesa nzou kunze ndeeya aiwana mari apo Zimbabwe yainge yakatemerwa zvirango zvehupfumi neEuropean uye vave kuita ruzha zvichitevera kubviswa kwezvirango izvi.

Vati kubviswa kwezvirango kunoreva kuti hurumende yave kuchiita basa rayo izvo zvave kutsamwisa masangano aya.

VaMzembi vazivisawo kuti vapindura masangano ese akavanyorera achitsutsumwa nezvekutengeswa kwenzou vakati vanovimba kuti vachanzwisasa nyaya yeZimbabwe.

Vanoti Zimbabwe ine nzou dzakawanda chose kudarika dzainokwanisa kuchengeta vakati semuenzanisa munzvimbo yeHwange neMatetsi mune nzou dzinosvika zviuru makumi mashanu nezvina asi nzvimbo iyi ichikwanisa kuchengeta nzou zviuru gumi nezvishanu chete.

Vati izvi zvino kanganisa mamiriro ezvinhu pamwe nekukanganisa dzimwe mhuka vakati ndosaka vari kutengesa nzou kuti vawane mari yekuchengetetdza nzvimbo.

Vati vanoshamisikawo kuti mamwe masangano ari kuchema chema ari kunyika dzakaita seAmerica, France neAustralia vachiti nyika idzi dzine mhuka dzakwanda chose dzakabva kuZimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro sangano reHospital Doctors Association ratumira mashoko kuvatori venhau richiti harisi kufara zvachose nedanho rehurumende iri. Rati zvaitwa nehurumende chisionekwe mudzi webwe.

Sachigaro weZimbabwe Nurses Association Harare Chapter VaEnock Dongo avo vainge vati vacharatidzira vakasapihwa mari neChishanu vanoti vachagara pasi kuti vazeye mashoko ehurumende.

Hurukuro naVaEnock Dongo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG