Accessibility links

Madzimai kuKariba Otambira neMufaro Chirongwa cheKuronga Mhuri

  • Arthur Chigoriwa

Kune nzira dzakawanda dzekuronga mhuri, dzinosanganisira mapiritsi

Madzimai akawanda muKariba anoti anogamuchira nemufaro chirongwa chekuronga mhuri pachishandiswa nzira dzakasiyanasiyana chiri kutungamirwa nesangano reZimbabwe Population Services, (PSI).

Zvirongwa izvi ndezvemachubhu anodyarwa munyama necheparuoko, kana kuti Jadelles, pamwe nekusunga chibereko,tuberligation, kune avo vanenge vasisade kuita vamwe vana zvakare, chiri kuitwa nebazi reZimbabwe Population Services (ZPS).

Vakawanda vemadzimai aya vanoti chirongwa chekurera mhuri vachishandisa machubhu anoiswa paruoko chakanaka sezvo chichidzivirira kubata pamuviri zvachose panguva yakatarwa.

Machubhu anoiswa paruoko aya anenge aine mushonga, kana kuti ma hormone, anodzivirira kuti mudzimai asabate pamuviri kana akasangana nemurume mukati memakore matatu kana mashanu.

Zvinonzi chakanakira hurongwa hwemachubhu ndezvekuti mudzimai anokwanisa kubviswa machubhu aya paanenge ave kuda mwana, zvisinei nekuti makore akatarwa anenge asati akwana here kana kuti kwete.

Amai Noctula Mavengese vanogara mumusha weveruzhinji weMahombekombe. Amai Mavengese vanoti vafarira chirongwa chekuronga mhuri ichi sezvo chichi dzivirira kuti vasabate pamuviri vasingazive sezvavakamboita pavakabata pamuviri mwana wavo ane mwedzi mitanhatu chete.

Mumwe mudzimai anogara kuNyamhunga, Amai Fadzai Kondowe vanoti Jadelles yakanaka kudarika dzimwe nzira dzekuronga mhuri dzakaita semapiritsi sezvo munhu achigona kukanganwa kunwa mapiritsi nenguva.

Mumwe mudzimai Amai Precious Banda avo vaiswa Jadelles nhasi vanoti kuronga mhuri vachishandisa mapiritsi kwanga konetsa sezvo mapiritsi anga ovakonzeresa kuti vaite dzungu pamwe nekushaya chishuwo chekuda kudya.

Kunyangwe hazvo Jadelles yarumbidzwa nemadzimai akawanda mumwe mudzimai asina kuda kudomwa nezita anga ari pakiriniki yeMahombekombe nhasi anoti Jadelles yakamuramba sezvo ari kungobuda ropa pese pese.

Mudzimai uyu anoti acharonga mhuri nemapiritsi kunyange paine mukana mukuru wekuti anogona kukanganwa kuanwa.

Mamwe madzimai abvezera vanga vachisungwa chibereko kuti vasazozvara zvakare muhupenyu hwavo.

Amai Brandina mumwe wevasungwa chibereko. Amai Brandina vasungwa chibereko sezvo vachiti vakura zvekuti vatove nevazukuru.

Mukoti mukuru pakiriniki yepaNyamhunga Amai Chisvo vanoti Jadelles yakanakirawo kuti ikabviswa hazvinetse kuti mudzimai abate pamuviri sezvinowanzoitika nedzimwe nzira dzakaita semapiritsi kana majekiseni.

Amai Chisvo vanoti madzimai ane makore makumi mana zvichidarika ndivo chete vanobvumirwa kusungwa chibereko.

Hatina kunzwa kuti madzimai mangani ayiswa Jadelles kana kusungwa pari zvino sezvo chiremba wepachipatara cheKariba VaMuza vati vanomirira musangano wavachaita nevashandi veZimbabwe Population Services kuti vazivise nezvehuwandu hwemadzimai akayamurwa muchirongwa chemazuva maviri ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG