Accessibility links

Breaking News

Varwere Votambura Hurumende naVanachiremba Vachinetsana


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende zvinoshandiswa neveruzhinji vasina mari kuti varapwe.

Kusamira zvakanaka uku kwatonyanya kuwedzerwa nekuramwa mabasa kwavana chiremba avo vapinda musvondo retatu vachikanda mapadza pasi.

Kunyange hazvo zvipatara zveParirenyatwa Group of Hospitals neHarare Central zvakavhurwa, hapana zvakawanda zviri kuitwa mukubatsira varwere sezvo vanachiremba vari kuramwa mabasa. Vari kubatsirwa chete ndevaya vanenge vachirwarisa kana vanenge vapinda mutsaona.

Mota dzinotakura vanhu vanorwara, pamwe nedzavanhuwo zvavo, dzanga dzichitaukura varwere kubva pachipatara cheParirenyatwa vachienda kune zvimwe zvipatara.

Vatataura navo vanoti vange vari kubvisa hama dzavo sezvo dzisiri kuwana rubatsiro pachipatara ichi.

Mumwe wevanhu ava, VaWakefield Mlilo, vanoti ivo nehama dzavo vaburitsa muni’nina wavo muchipatara sezvo asina kumbobvira awona chiremba kubvira paakapinda muchipatara ichi nemusi weChina chapfuura.

VaMlilo vanoti vave kuenda nehama yavo kuchipatara che All Souls Mission kwaMtoko.

Amai Ruramai Phiri vanogara mumusha weRugare vanoti kubvira pakatanga vanachiremba kurwamwa basa, munzvimbo mavo mafa vanhu vaviri mushure mekushaiwa rubatsiro kubva kuchipata cheHarare Central.

VaNesbet Nyoni avo vange vauya kuzoona hama yavo paHarare Hospital vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti zvipatara izvi zviri kudzorera varwere kudzimba dzavo vasina kubatsirwa kunyange vaye vanenge vapinda mutsaona.

VaNyoni vanoti hurumende ngaigadzirise zvichemo zvana chiremba kuitira kuti zvinhu zvifambe muzvipatara.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJoseph Murawu, vanoti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzehuwori kuitira kuti ikwanise kubhadhara vanachiremba mari dzavari kuda.

Vanachiremba vemuzvipatara zvehurumende pasi pesangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vakatanga kuramwa mabasa musi wa27 Gumiguru vachida kuti mari dzavanotambiriswa dziwedzerwe kubva pamadhora mazana maviri nemakumi masere kusvika pachuru nemazana maviri emadhora pamwedzi.

Izvi zvavhiringa basa muzvipatara zvese zvehurumende uye kana vanotengesa mumigwagwa pazvipatara izvi vanoti basa ravo radzikira sezvo varwere nevanhu vanoenda kuzvipatara izvi vave vashoma.

Vamwe amai vanoshandira paParirenyatwa vasina kuda kudomwa nezita vanoti bhizimisi ravo radzikira chose kubvira pakatanga kuramwa vanachiremba kuramwa basa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi revakuru vakuru vezvipatara izvi sezvo vati havana kupihwa mvumo yekutaura nevatori venhau kubva kubazi rezvehutano nekuchengetedzwa kwevana.

Vana chiremba vari kuramwa basa vari kutarisirwa kuita musangano nevatori venhau mangwana apo vachazivisa zvabuda munhaurirano dzavari kuita nehurumende.

Vamwewo vashandi vanoita zvehutano vatataura navo vakaita sana mukoti nevamwe, vasina kuda kudomwa nemazita vati vanotarisira kuti hurumende ichavawedzerawo mari vachiti vacharamwawo mabasa kana vasina kuwedzerwa mari mari dzavanotambira.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG