WASHINGTON —
Dambudziko rezvirwere zvemoyo rinonzi riri kuramba richibata vazhinji munyika kusanganisira vechidiki.
Mumwe chiremba wechidiki aive pachirongwa che Mandela Washington Fellowship chegore ra 2014, Doctor Marlon Ralph Nyakabau, vanoti veruzhinji vanofanirwa kudya chikafu chinovaka muviri zvisina mafuta kuitira kuti vasabatwe nechirwere ichi.
Vatiwo vanhu vanofanirwa kuita zvirongwa zvekutwasanudza muviri kuitira kuti miviri yavo igare yakasimba.
Dr Nyakabau vanokurudzira avo vanenge vachinzwa kuzarirwa, kuneta, nekunzwa mabayo pamoyo zvisina tsanganudzo kuti vaende kunoona vana chiremba kuitira kuti vawane rubatsiro.