Dare repamusoro neChitatu riri kutarisirwa kunzwa nyaya yakakwidzwa nerimwe sangano revagari vemuHarare reHarare Residents Trust pamwe nevagari vekuTynwald, avo vari kuchemachema kuti kanzuru yeHarare haina kusiya nzvimbo yekuvakira chikoro zvopa kuti vana vavo vafambe nzendo refu kuenda kuzvikoro zviri kune mimwe misha.
Nzvimbo iyi yakavakwa muna 1996 kuburikidza nechirongwa chebhanga reCABS uye ine vanhu vanosvika zviuru gumi nezvitanhatu.
Vaendeswa kumatare igurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, uye kanzuru yeHarare.
Kanzuru yeHarare inonzi yakatengesera nzvimbo yaifanira kuvakirwa chikoro kune mumwe munhu uyo anonzi akabva avaka chikoro chembozha zvasiya varombo vasina kwekuenda.
Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kana mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme kuti tinzwe maitivi avo panyaya iyi
Asi vaimbova meya weHarare panguva iyi, VaHerbert Gomba, vakati kana vagari vaisada kuti nzvimbo yechikoro itengeserwe mumwe munhu vaifanirwa kuzviramba mukati memazuva makumi matatu kubva zvakashambadzwa danho iri sezviri mubumbiro remitemo.
Asi mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vagary pamwe nesangano ravo vakanyora magwaro enyunyuto akawanda pasina mbundutso kusvika vazoenda kumatare edzimhosva.
Facebook Forum