Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMvura Ronetsa Vagari muHarare


Harare City
Harare City
Sangano re Harare Residents Trust riri kukurudzira kanzuru ye Harare kuti igadzirise mishina inodhinda magwaro emabhiri anofanirwa kubhadharwa nevagari vemuguta iri.

Vagari vazhinji vanoti vari kubhadhariswa mari dziri pamusoro dzisingaenderane nemvura yavanenge vashandisa.

Mukuru wesangano iri, Va Precious Shumba, vanoti kanzuru iri kushandisa BIQ system mukudhidha mabhiri emari dzinofanirwa kubhadharwa nevagari iyo vanoti inyore mukushandiswa mukuita zvehuwori nevashandi vekanzuru.

Hurumende yakaregerera zvikwereti zvemvura zvevagari vemumadhoroba mazhinji panguva yesarudzo asi pari zvino vagari vave kunetsekana nezvikwereti zvitsva sezvo zviri kunzi zviri kuuya zvakakwirisa.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi r kanzuru ye Harare sezvo nhare dzavo dzange dzisiri kudeverwa.

VaShumba vanoti zviri kunyanya kurwadza vagari vemuHarare ndezve kuti kune dzimwe nzvimbo mvura haisi kuwanikwa asi vanhu vari kupihwa mabhiri mwedzi nemwedzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG