Accessibility links

Breaking News

Grain Millers Association of Zimbabwe Yofarira Kurambidzwa kweChibage Kupinda Munyika


Tafadzwa Musarara (r) Grain Millers Association
Tafadzwa Musarara (r) Grain Millers Association

Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe rinoti rinotambira nemufaro danho rehurumende rekurambidza kuti pasave nevanotenga kunze kwenyika chibage kana zvimwe zvinhu zvinogadzirwa kubva muchibage zvichipinzwa munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi venhau muBulawayo nhasi
masikati, mukuru wesangano reGrain Millers Association of Zimbabwe,
VaTafadzwa Musarara, vati nyika yakaita rombo rakanaka rekuwana goho
rakanaka uye danho rehurumende iri richabatsira kuti varimi vawane
mari nekukasika kubva mukutengesa chibage kuGrain Marketing Board.

VaMusarara vati nekuda kwekuti dzimwe nyika dziri kuchamhembe
kweAfrica dzakaita seMalawi neZambia dzakawanawo goho rakanaka,
zvakakosha kuti hurumende itore danho rekuti vamwe vangade kutora
mukana wekuunza chibage chine mutengo wakaderera kubva kunyika idzi
vachiunza muno, vasiate izvi.

Nyika iri kutarisirwa kuve negoho rechibage rinopfuura matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana mana.

VaMusarara vati sangano ravo rine mari yarakasendeka inosvika
mabhiriyoni gumi nemapfumbamwe emadhora emaRTGS yekutenga chibage kubva kuvarimi iyo vati ichibatsira pamari inobva kuhumende yekutenga chibage kubva kuvarimi izvo zvichabatsira kuti varimi vapiwe mari yavo nekukasika.

Hurumende yakati ichange ichitenga tani rimwe rechibage nezviuru
mazana matatu nezviviri zvemadhorakana kuti 32 000 RTGS.

VaMusarara vati vanotarisira kuti nekuda kwedanho ratorwa nehurumende
mutengo hwehupfu unotarisirwa kuderera mukati memwedzi mishoma iri
kutevera.

Taedza kunzwa kubva kumunyori webazi rezvekurima, VaJohn Bhasera, asi vati tibate mukuru wezvekurima mubazi ravo, VaClemence Bwenje, asi
nharembozha yavo yange isingabatike.

Mukuru wesangano reConfederatiion Retailers of Zimbabwe, VaDenford Mutashu, vati vanotambirawo danho rehurumende asi panofanirwa kutorwa matanho akasimba anoita kuti munyika hamungozonzi hamusisina chibage.

Pamubvunzo wekuti sei hupfu huri kunetsa kuwana muzvitoro uye mutengo waho uri kukwira, VaMutashu vati sekuziva kwavo nhengo dzavo dziri kuita zvose zvadzinogona kuti hupfu huwanikwe.

Nyika yave nemakore akawanda ichishomekerwa nechibage nekuda
kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG