Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshandisa Makuponi Mukutenga Upfu


Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing
Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing

Hurumende inoti yava kupa veruzhinji makuponi ekutenga hupfu sezvo pane vainoti vari kuita zvechikiribidi mukutengeswa kwehupfu.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati dare remakurukota rabvumirana kuti veruzhinji, zvikurusei avo vanotambudzika, vapihwe makuponi ehupfu sezvo hupfu huri kunetsa kuwana muzvitoro.

Amai Mutsvangwa vati izvi zvakonzerwa nevavati makoronyera ari kuendesa hupfu kumisika mutema.

Mashoko aAmai Mutsvangwa anoteerera kukwidzwa kwakaitwa mutengo wehupfu hwe roller meal kubva pamadhora makumi mashanu kusvika pamadhora makumi manomwe papakiti inorema makirigiramu gumi.

Amai Mutsvangwa vatiwo hurumende iri kuedza pose painogona napo kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura kuBinga nezvokudya, magumbeze, mbatya nezvimwe zvakadaro vachitiwo mauto pamwe neveCivil Protection Unit vanga vachitadza kubatsira mhuri makumi maviri neimwechete dziri panzvimbo dzakakwirira apo padziri kutadza kubva nekuda kwemafashamu aya sezvo ndege dzemasoja dzanga dzichitadza kubhururuka kwemazuva maviri adarika.

Amai Mutsvangwa vati dare remakurukota rakurudzirawo America kuti ibvise zvirango zvayakatemera Zimbabwe vachiti zvirango izvi zviri kukonzera kutambura kweveruzhinji munyika.

Vati hurumende iri kufara kuti pane vamwe vanhu vakabviswa pazvirango neEuropean Union uye vari kurudzira kuti vose vasara pazvirango zveEU vabviswe.

Amai Mutsvangwa vatiwo hurumende iri kuita zvinhu zvakawanda zvakafanana nekuvandudza nyaya dzemashandiro evatori venhau, kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekuti sarudzo dzemunyika dziitwe mune zvakanaka nguva dzose senzira yekuratidza kuti munyika mune hutongi hwejekerere.

Asi MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, inoti haina chivimbo nehurumende yeZanu PF kuti ingagadzirise zvakanaka mafambisirwo esarudzo munyika.

Munyori wezvesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vati zviri pachena kuti hurumende yebato reZanu PF iri kukundikana kuita sarudzo dzisina mutauro mukati izvo zviri kuita kuti zvinhu zvisamire zvakanaka munyika.

Vachitaurawo nevatori venhau, gurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, vati Zimbabwe yakakagadzirira zvakakwana kurwisana nechirwere cheCoronavirus icho chakatangira kuChina.

VaMoyo vatiwo vave nema test kits mazana matatu ekuongorora vanenge vachipinda munyika kuti havana chirwere ichi here kana kuti kwete vachiti ma test kits aya anokwana haasi mashoma.

Vati hurumende yava kutevera mudzimba vanhu vanenge vabva kunyika dzine chirwere ichi ichiongorora kuti havana chirwere ichi here kana kuti kwete.

Chirwere cheCoronavirus chauraya vanhu vanodarika chiuru, zvikuru kuChina, uye vanhu vanodarika zviuru makumi mana vakabatwa nechirwere ichi kubva zvachaputika muChina gore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG