Accessibility links

Breaking News

Kubatwa Chibharo kweVanhukadzi Koramba Kuri Pamusoro


&#39;올드 가드&#39;로 잘 알려진 미 육군 제3 보병 연대 병사들. 메모리얼데이를 앞두고 버지니아주 알링턴 국립묘지의 비석마다 성조기를 꽂을 준비를 하고 있다.<br />
&nbsp;
&#39;올드 가드&#39;로 잘 알려진 미 육군 제3 보병 연대 병사들. 메모리얼데이를 앞두고 버지니아주 알링턴 국립묘지의 비석마다 성조기를 꽂을 준비를 하고 있다.<br /> &nbsp;

Vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana matatu vakabatwa chibharo kubva muna Ndira kusvika muna Gumiguru gore rino. Nepamusana pekuti dambudziko iri riri kuramba richikura, hurumende inoti yave kuronga kuisa mitongo yakaomarara inosanganisira kugara mujerikwehupenyu hwese kuvanhu vanobata vamwe chibharo.

Izvi zvaziviswa negurukota rinoona nezvemadzimai nebudiriro, Muzvare Oppah Muchinguri, apo vange vari kuparura hurongwa hwemazuva gumi nematanhatu hwekucherechedzwa kushungurudzana pakati pemadzimai nevanhurume kana kuti gender based violence.

Muzvare Muchinguri vati hurumende iri kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita kushungurudzana zvikuru sei kubatwa kwevanhu chibharo. Vati izvi zviri kuitika nekuti mitongo inopihwa vanobata chibharo yakareruka.

Vati vane hurongwa hwekuvandudza mitemo yavanhu vanobata chibharo vana vari pasi pemakore gumi kuitira kuti vagare mujeri kwehupenhu hwese.

Vatiwo vanobatawo chibharo vachiziva kuti vane HIV vanofanirawo kugara mujeri kwehupenyu hwese.

Vatiwo zvinosuwisa kuti vazhinji vari kubatwa chibharo vari kubatirwa mudzimba vakati izvi zvinoreva kuti pane zvisiri kufamba zvakanaka patsika dzedu dzechivanhu.

Vati zvakakosha kuti vana baba mudzimba vachengetedze mhuri dzavo kwete kudzishungurudza nekubata vana chibharo.

Mukuru werimwe sangano rinoshanda nemadzimai anenge ashungurudzwa reMusasa Project, Amai Netty Musanhu, vatiwo zvinosuwisa kuti mabhinya awanda mudzimba uye sangano ravo ratove nedzimba dzekuchengetedza vanenge vabhinywa kana kushungurudzwa sezvo kumba kwavo kunenge kusisagarike.

Vati nyaya yekubatwa chibharo kwemadzimai nevana vadiki yanetsa munyika uye zvave kutoda kuti vanhu vashande pamwe mukupedza dambudziko iri.

Amai Musanhu vatiwo matare edzimhosva pamwe nemapurisa vanofanira kutora nyaya idzi zvakadzama vachiti pari zvino vanobata chibharo vari kupihwa mitongo yakareruka. Vatiwo dzimwe nguva mapurisa haana rubatsiro rwaanopa kune vanenge vabhinywa kana kushungurudwa.

Vatiwo vedzisvondo vanofanira kushanda nevamwe mukupedza dambudziko iri vachiti kana mudzisvondo macho vanhu vave kubatwa chibharo.

Mukuru wemadzishe munyika, VaFortune Charumbira, vatiwo nyaya dzekubatwa chibharo dziri kuwanda nekuti mitongo inopihwa mabhinya yakareruka zvikuru.

Vati mabhinya anofanira kupihwa mitongo yakaomarara uye kunze kwaizvozvo vanenge vabhinya vanofanirwawo kuripwa.

Mazuva echirongwa che16 days of Activism Against Gender Based Violence chinocherechedzwa gore rega rega pasi rose kubva musi wa25 Mbudzi kusvika musi wa10 Zvita senzira yekurudzira dzihurumende nemasangano akasiyana siyana kupedza mhiriszhonga pakati pevanhukadzi nevanhurume.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG