WASHINGTON —
Mumwe wemasachigaro esangano reGays and Lesbians Associaion of Zimbabwe, Muzvare Martha Tholana, vamiswa pamberi pemutongi wedare ramagistrate, VaDonald Ndirowei, neMuvhuro vachipomerwa mhosva yekutungamira sangano risina kunyoreswa zviri pasi pemutemo wePrivate Voluntary Organization Act.
Nyaya iyi yakatanga muna 2012 asi ichingonzi ichazonzwikwa nedare asi pasina chaibuda.
Hurumende inoti Muzvare Tholana vaikurudzira chingochani nekuunganidza vanhu vaiita zvehungochani vachitungamira sangano risina kunyoreswa iri zviri pamutemo iri.
Hatina kukwanisa kubata vachuchusi vehurumende kuti tinzwe divi ravo.
Gweta raMuzvare Tholana, VaTonderai Bhatasara vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vanoti GALZ haina mutemo wayakatyora.