WASHINGTON —
Hurumende yaisa chikumbiro chemari inosvika mamiriyoni makumi maviri yekubatsira vanhu vawirwa nedambudziko remafashamu emvura kuMasvingo, Matebeleland North neMashonaland Central.
Rimwe sangano ranzwa chichemo ichi isangano reRed Cross. Sangano iri rinoti riri kushanda ne hurumende mukubatsira vanhu vawirwa nedambudziko remafashamu emvura iri.
Vanowona nezve kuburitswa kwemashoko musangano reRed Cross VaTakemore Mazuruse vanoti vane zvikwata zviri kushanda munzvimbo dzinemafashamu idzi kunyanya kuTokwe Mukosi kuMasvingo uko vanoti sangano ravo rakagadzira nzvimbo yekupotera yevanhu vakatarisana ne dambudziko remafashamu emvura. Muzinda uyu uchaiswa mumaoko ehurumende neChishanu.