Accessibility links

Breaking News

Agribank Inoti Kurima Ngakutorwe seBhizinezi


Bhanga rinotsigira mabasa ekurima munyika, re Agricultural Development Bank of Zimbabwe, Agribank, raudza neChipiri komiti yeparamende kuti tsika yekupa vanhu mbeu, fotireza nezvimwe zvekurimisa mahara inoita kuti varimi vasaite shungu dzekuita goho rakakura.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvekurima maererano nematanho avari kutora mukusimbaradza bhanga iri, mukuru weAgribank, VaSam Malaba, vati mabasa ekurima anofanirwa kutorwa sebhimisi uye varimi vanofanira kutora zvikwereti zvekutenga mbeu nezvekurimisa kuti varime nemazvo.

Vati murimi anenge atenga mbeu anorima neshungu nekuti anenge achiziva kuti ane chikwereti chinoda kubhadharwa.

Mumwe murimi weku Karoi, VaJulius Chibaya, vati vanobvumirana neVaMalaba kuti mabasa ekurima anoda kuitwa sebhizimisi.

Hurumende yange iri kupa varimi mbeu nezvimwe zvekurimisa pachena kubva payakatanga chirongwa chayo chekutora minda asi izvi hazvina zvazvakanyanyobatsira sezvo zvinhu izvi zvainge zvisingashandiswe nemazvo kana kuti zvaitengeswa.

Asi hurumende inoti kubvira gore rino haisi kuzopa varimi zvemahara uye yave kuda kutsigira makambani anogadzira zvinhu kuita kuti mitengo yembeu, fotireza nemidziyo yekurimisa iderere.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakazivisa mukupera kwegore rapfuura kuti hapasisina zvemahara kutanga gore rino.

Zvichakadai, VaMalaba vaudza komiti iyi kuti bhanga ravo rinoda mari yakawanda chose kuitira kuti rikwanise kutsigira mabasa ekurima zvine mutsindo.

Vati kuti bhanga iri rinyatsoita basa ravo zvakanaka, rinoda zana nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora uye vanoti mamiriyoni makumi mashanu achabva kuhurumende.

Vati mamwe mamiriyoni makumi manomwe emadhora achabva kukambani yekunze iyo ichiri kutsvagwa pari zvino.

Bhanga iri rinokosha mamiriyoni makumi maviri emadhora pari zvino.

VaMalaba vati kana izvi zvichinge zvaitika bhanga iri rinenge rave kukwanisawo kutsvaga mari kunze yekubatsira mabasa ekurima munyika.

Vati pari zvino bhanga iri riri kutsigira varimi nemari dzariri kuunganidza munyika uye riri kutadza kunatso kutsigira varimi nekuda kwekunetsa kwemari kuri munyika.

Vazivisawo kuti mwaka uno bhanga ravo rakabatsira makambani anogadzira fotireza nezvimwe zvekurimisa nemamiriyoni makumi matanhatu emadhora akabva kumbani yeIndustrial Development Corporation yekuSouth Africa.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG