Accessibility links

Breaking News

Varimi Vagere kuNyamandlovu Vanopisirwa Misha Yavo


Ambuya Sihle Hadebe Badminton Farm 1

Mapurisa emuBulawayo akapisa neChipiri misha yevamwe vanhu vakagara patsva mune rimwe purazi riri kuNyamandlovu achivati vanhu ava vagere mupurazi iri zvisiri pamutemo.

Pakasvika Studio 7 papurazi reBadminton Farm kuNyamandlovu neChipiri
masikati, takawana dzimba dzine chitsama dzakavakwa nemapango nehuswa dzichitsva, mushure mekunge dzapiswa nemapurisa achishanda pamwe nevehofisi yaDeputy Sheriff.

Asi vagari vakati havana kana kumbopihwa chiziviso zviri pamutemo chekuti vabve papurazi iri.

Mumwe wevakapisirwa musha wavo,Ambuya Sihle Hadebe, vakati
vakatanga kugara papurazi iri muna 2011 vakati kave kechitatu
vachipisirwa musha wavo. Asi vakatsidza kuti havazi kuzobva mupurazi
iri.

Mumwe mugari, Amai Lindiwe Sibanda, avo takawana vari mushishi rekurongedza midziyo yavo vachiiendesa pamusha peimwe hama yavo, vakati vakatanga kugara mupurazi iri muna 2013 uye hakuna kumwe kwavangaende kunze kwekunge hurumende yavatsvagira pekugara.

Mumwe mugari, VaFanuel Dube, vakati vakazowana musha wavo wave kutsva mushure mekunge wapiswa ivo vasipo.

VaDube avo vakarwa hondo yerusununguko vari pasi pemauto eZIPRA vakati zvinovashamisa kuti vave kutadza kuwana ivhu ravakarwira.

Purazi reBadminton, iri rinonzi nderaVaLuke Siziba, riri makiromita makumi matatu kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero eguta reBulawayo.

Asi mhuri dzinopfuura mazana mana dzinogara mupurazi iri dzinoti dzakagariswa mupurazi iri naIshe Mabhena, vanove ishe wenzvimbo iyi, dzichiramba kuti purazi iri nderaVaSiziba sezvo rakatorwa nehurumende muna 2001.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raIshe Mabhena, kanawo VaSiziba sezvo vanga vasingabatike panharembozha.

Mugore ra2015 dare repamusoro rakapa mutongo usina kupikiswa wekuti
vagari ava vabve mupurazi iri asi vagari ava vakazokwira kudare gore
rakapera vachiti vaive vasina kuwana magwaro enyaya yakakwidzwa kudare muna 2015.

Sachigaro weBadminton Villagers Association, VaIssac Dakamela, avo
vakapisirwawo musha wavo nezuro vakati nyaya yekugara kwavo mupurazi iri yave nenguva ichinetsa.

Rimwe remagweta ari kumiririra vagari vepaBadminton Farm, VaBruce
Masamvu, vati vachakwidza chikumbiro chechimbi-chimbi kudare repamusoro chekumisa kuparadzwa kwemisha yevagari.

Mukuru wemapurisa epaPumula Police Station angozvidoma nezita rekuti VaSiziba, vati havabvumidzwe kutaura nevatapi venhau.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota redunhu reMatabeleland North, VaRichard Moyo, sezvo nherembozha yavo yange isingabatike.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG