Accessibility links

Breaking News

Nzou Dzopera Kufa neNyota neNzara kuHwange


Drought In Hwange
Drought In Hwange

Nzou dzakawanda nedzimwewo mhuka dziri kufa nekuda kwenzara pamwe nemvura munzvimbo inochengeterwa mhuka yeHwange National Park izvo zvoita kuti hurumende isimbise nyaya yayo yekuti dai nzou idzi dzatengeswa kuti dziite shoma.

Zimbabwe Elephants to China
Zimbabwe Elephants to China




Pakashanyira Studio7 munzvimbo yeHwange National Park, takaona mitumbi yakawanda yenzou dzakafa nekuda kwekushaya chikafu nemvura zvakakwana izvo zviri kukonzerwa nekusanaya zvakanaka kwakaita mvura mudzimwe nzvimbo gore rino.

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kana kuti ZimParks, VaTinashe Farawo, vakaudza Studio7 kuti pane nzou makumi masere neshanu dzakafa kubva mumwedzi waGunyana uye kusvika pari zvino pane nzou dzinopfuura mazana maviri dzafa gore rino nekuda kwenzara.

Drought In Hwange3
Drought In Hwange3

VaFarawo vanoti kunze kwenzara chimwe chinhu chiri kuita kuti nzou dzife inyaya yekuti dzawandisa izvo zvave kukonzera kuti chikafu chadzo nemvura zvive zvishoma vachitiwo pakasatorwa dambudziko rekuti nzou idzi dzitapudzwe pane dambudziko guru rekuti dzimwe nzou nedzimwewo mhuka dzichafa.

Painodya, nzou imwe chete inonzi inoda chikafu chinosvika makirogiramu anopfuura mazana mashanu uye inodawo mvura inopfuura marita mazana maviri.

Asi pari zvino veZimParks vanoti munzvimbo umu mave nenzou dzinopfuura zviuru makumi mana nezvishanu.

Vamwe vanorwira kodzero dzemhuka vanoti mafigiri anopiwa neveZimParks ndeekunyepa vachiti vanoita izvi senzira yekuda kuti vawane rutsigiro rwekuti vagokwanisa kutengesa nzou.

FILE - A herd of elephants walk past a watering hole in Hwange National Park, Zimbabwe.
FILE - A herd of elephants walk past a watering hole in Hwange National Park, Zimbabwe.

Nhengo yesangano reAdvocates4Earth, VaLenin Chisaira, vanobvuma kuti nzou nedzimwe mhuka zviri kushaya mvura nechikafu chakakwana, asi ndemumwe weavo vane maonero ekuti veZimParks havazi kubuda pachena.

VaChisaira vanoti semaonero avo chimwe chinhu chiri kukonzera matambudziko enzara kumhuka kunzvimbo yakaita seHwange National Park inyaya yekuti hurumende iri kubvumidza vanhu kuita zvinhu zvakadai sezvezvicherwa izvo vanoti hazvifanirwi kuitwa munzvimbo iyi.


Asi VaFarawo vanoti vanoshushikana nemaonero evarwiri vekodzero dzemhuka avo vanoti havazi kuda kutambira chokwadi chekuti nzou nedzimwe mhuka dziri kuwanda nekuda kwebasa rakanaka riri kuitwa nebazi ravo vachitiwo bazi iri rinoshanda zviri pachena uye misuwo yaro yakavhurika kune vose vanoda kuziva mamiriro akaita zvinhu munzvimbo dzinochengeterwa mhuka.

Drought In Hwange
Drought In Hwange

Zimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisira Botswana, dzinoti dzinoda kuti sangano repasi rose reConvention on the Trade in Endagered, ribvumidze kuti dzitengese nzou dzadzo sezvo mhuka idzi dzawandisa izvo zvave kupa matambudziko akasiyana-siyana kusanganisira kuuraiwa kwevanhu nemhuka idzi.

Vanhu makumi matatu nevatatu vakaurayiwa nemhuka dzesangano gore rino chete.

Pamusangano weCITES wakaitwa kuGeneva kuSwitzerland muna Nyamavhuvhu, sangano iri rakaramba chikumbiro chekuti mutemo unorambidza kutengeswa kwenzou nenyanga dzawo ubviswe.

Mukuru wesangano reSafari Operators Association of Zimbabwe, VaEmmanuel Fundira, vanoti zvakakosha kuti CITES pamwe nevarwiri vekodzero dzemhuka vanzwisise matambudziko akatarisana neZimbabwe nedzimwe nyika nekuda kwekuwanda kwenzou munyika idzi.

Gurukota rezvemamiriro ekunze nekushanyirana, VaNqobizitha Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti hurumende iri kuedza zvose zvainogona ichishanda pamwe nedzimwe nyika kuti sangano reCITES rive nemaonero matsva.

Asi vatiwo vanogona kutora danho rinonzi reservation iro rinoita kuti vambokwanisa kutengesa nzou kune dzimwe nyika dziri muCITES dzinenge dzatorawo danho rimwe chete.

Hwange National Park yakavhurwa mugore ra1928 uye ndiyo nzvimbo huru inochengeterwa mhuka dzemusango dzakasiyana siyana munyika.

Sangano iri rakakura kupfuura 14 000 square kilometres uye payakagadzirwa yainzi inokwanisa kuve nenzou dzinosvika zviuru zviviri chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG