Accessibility links

Breaking News

Nzou Dzopera Kufa kuHwange National Park


Zimbabwe Elephnats China

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzemhuka reAdvocates4Earth rinoti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa mhuka nehurumende panguva iyo mhuka dziri kufa nenzara pamwe nekushayikwa kwemvura.

Mutungamiri wesangano reAdvocates4Earth, VaLenin Tinashe Chisaira, vaudza vatori venhau kuti sangano ravo harisi kufara nemararamiro ari kuita mhuka zvikurusei kuHwange National Park uko kwavanoti mhuka dzakawanda dziri kufa nenzara pamwe nenyota zvakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura gore rino kubudikidza nekushanduka kwemamiriro ekunze.

VaChisaira vati havasi kufara kuti magweta avo pamwe nevesangano rinoona nezvekuchetedzwa kwekodzero dzemhuka kuti dzisaitirwa hutsinye reZimbabwe National Society for the Prevention of Cruelty to Animals, vakarambidzwa nebazi rehurumende reZimParks svondo rapera kuongorora mararamiro ari kuita mhuka kuHwange National Park.

Nekuda kwekufa nenzara kwavanoti kuri kuita mhuka, VaChisaira vati vave kuronga kufamba kubva kuHarare kuenda kuHwange vachipemha mari ichashandiswa mukutengera mhuka dziri kufa idzi chikafu.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pane nzou dzinodarika makumi mashanu neshanu dzakawanikwa dzakafa nepamusana pekushaya mvura nechikafu.

Nzou idzi dzinonzi dzakatanga kufa muna Gunyana.

VaChisaira vanotiwo mhuka dziri kutadza kugara zvakanaka mune dzimwe nzvimbo dzinochengeterwa kubudikidza nemabasa ari kuitwa nevanhu anosanganisira kucherwa kwezvicherwa.

Zvichakadai, imwe nyanzvi inoongorora nyaya dzemhuka, VaEvans Ndadzungira, vatiwo havasi kufara nekutengeswa kuri kuitwa nzou dzichiri diki nehurumende kunyika dzakaita seChina vachiti mhuka idzi dzine mukana wekufa kana dzichinge dzaenda kunyika idzi.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZimParks sezvo mutauriri wesangano iri, VaTinashe Farawo, sezvo vati vari kunze kwenyika.

Hatinawo kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chegurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, VaSimangaliso Ndlovu, pamwe negurukota rinoona nezvemigodhi, VaWinston Chitando, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Hwange National Park ine nzou dzinodarika zviuru nezviuru makumi mashanu, asi nzvimbo iyi inofanirwa kuchengeta nzou zviuru gumi nezvishanu.

Nzou dzinonzi dzauraya vanhu vanodarika makumi maviri vari munzvimbo dziri pedyo neHwange National Park gore rino chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG