Accessibility links

Breaking News

Dare remuSouth Africa Rinoti Vakatyora Kodzero dzeVanhu muZimbabwe Ngavaferefetwe


Dare repamusoro soro muSouth Africa, reSupreme Court of Appeal, neChitatu rakatura mutongo wekuti mapurisa emuSouth Africa anofanirwa kuferefeta nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nekutochwa kwevanhu muZimbabwe.

Mudare iri maburitswa humbowo hwekuti vanhu muZimbabwe vaitochwa vachinyudzwa mumvura, kushandisirwa magetsi panhengo dzemuviri dzakavandika uye kurohwa netsvimbo.

Dare iri rati nyaya idzi dzinofanirwa kuongororwa sezvo South Africa iri nhengo yedare reInternational Criminal Court rinoti vose vanotyora kodzero dzevanhu vanofanira kutongerwa nyaya dzacho.

Mutongo uyu unotevera nyaya yakakwidzwa mudare nemasangano eSouthern African Human Rights Litigation Centre pamwe nere Zimbabwe Exiles Forum achiti hurumende yeZimbabwe yakarega vatsigiri veZanu-PF vachiita vanhu vanoipikisa kafiramberi muna 2008 munguva yesarudzo. Hurumende yeZimbabwe inonzi yakaramba kuferefeta nyaya idzi padzakamhang'arwa.

Pamusangano wemapato evakarwa hondo kuchamhembe kweAfrica, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakakurudzira bato reANC kuti risacherechedze mitongo yakadai vachiti inokanganisa kudyidzana kweZimbabwe neSouth Africa.

Asi vachipindura VaMugabe, munyori mukuru weANC, VaGwede Mantashe, vakati bato ravo richitungamirwa nemutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, rinoremekedza mitongo yematare.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti mutongo uyu wakakosha zvikuru kune vanorwira kodzero dzevanhu.

Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti mutongo uyu kutungana kwembudzi nekuti South Africa hana simba rekuita zviri kutaurwa nedare rayo
repamusoro soro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG