Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanonyorera Tsamba kuna VaKikwete Vachiti Psaitwe Sarudzo Dzine Mutauro


Kikwete
Kikwete
Munyori mukuru musangano reSADC, VaTomaz Salomao vanoti havasati vatambira tsamba kubva kumutungamiri wechimwe chikwata cheMDC VaWelshman Ncube yekuti bato ravo harisi kutambira zviri kutaurwa neZanu-PF zvekuti sarudzo dziitwe nechimbi chimbi .

VaNcube vakanyora tsamba iyi kumutungamiri weTanzania VaJakaya Kikwete vanovazve sachigaro weSADC Troika. SADC kuburikidza nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma ndiyo mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

Zanu-PF inoti iri kuda kuti sarudzo dziitwe muna Chikumi sezvo Zimbabwe neZambia dzichazoita musangano weUnited Nations World Tourism kuVictoria Falls neLivingstone muna Nyamavhuvhu.

SADC nekwowo iri kutarisirwa kuti iite musangano weTroika wekuzeya nyaya yeZimbabwe. Asi VaSalomao vati vatungamiri venyika dzemuSADC havasati vatara zuva remusangano uyu.

VaNhlanhla Dube mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNcube vanoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti sarudzo dzisaite mutauro sezvakaitika muna 2008 apo vanhu vanodarika zana vakapondwa munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mutevedzeri wemukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaPsychology Mazivisa vanoti veMDC ava vari kutya kukundwa musarudzo ndokusaka vomhanyira kuSADC.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG