Accessibility links

Breaking News

Zimsec Yokurudzira Kubhadharisa Kunyorwa kweBvunzo dzeGwaro reChinomwe


Vana vari kunyora bvunzo dzeGrade 7 mahara vanogona kubhadhariswa mari yebvunzo idzi kana hurumende ikabvuma zviri kudiwa neZimbabwe School Examinations Council, Zimsec, zvekuti vana ava vabhadhare dhora nechidimbu pachidzdzo chimwe chete.

Vachipa humbowo pamusoro pemarongerwo nemafambisirwo anoitwa bvunzo dzemuzvikoro zveveruzhinji munyika, mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vati kunyorwa kwebvunzo vadzidzi vasingabhadhare mari yekuti basa iri riitwe kuri kupa kuti vatadze kuita basa nemazvo.

Vati dai zvaibvira, vana vanonyora bvunzo dzeGrade 7 vanofanirwa kubhadhariswa dhora rimwe nechidimbu pachidzidzo chimwe chavanonyora pabvunzo.

Zimsec inoti inodawo mari yakawanda yekuronga bvunzo dzeOrdinary neAdvanced Level. Vati mari iyi inodiwa kudhinda mapepa ebvunzo, kubhadhara vanomaka bvunzo, kutakura mapepa ebvunzo pamwe nezvimwe.

VaNhandara vati Zimsec inoda dzimotokari dzakawanda kuitira kuti ikwanise kuendesa mapepa ebvunzo kuzvikoro pasina kuti mapepa aya anorasika kana kubiwa asati asvika kuzvikoro.

Vatiwo kana panenge pabiwa mapepa ebvunzo sezvakaitika kuchikoro cheChongogwe kuMasvingo, Zimsec inoronga dzimwe bvunzo nekukasika sezvo ichigara yakatarisira nyaya dzakaita saidzodzi.

Vakafanobata chinzvimbo chemunyori mubazi rezvedzidzo, VaCrispen Bowora, vatiwo bvunzo dzemuZimbabwe dzichiri kuremekedzwa pasi rese uye huhwandu wevanhu vari kunyora bvunzo idzi hwakakwira nezvikamu gumi kubva muzana gore rapfuura kana zvikaenzaniswa nemuna 2011.

Asi pavabvunzwa kuti sei vana vazhinji munyika vave kunyora bvunzo dzekunze dzakaita sedzeCambridge, VaBowora vati izvi zvakaitika zvakanyanya apo zvinhu zvainge zvaipa muna 2007 na 2008.

VaBowora vati mutemo wenyika unosungira kuti vana vese vemuzvikoro vanyore bvunzo dzeZimsec. Asi vati vadzidzi vakasununguka kunyora bvunzo dzekunze kana vachida.

Mutevedzeri wevanoona nezvekunyorwa kwebvunzo muZimsec, VaJohn Maramba, vati kunyange hazvo vanhu vakachema chema nekufoira kwakatwa bvunzo dze O Level gore rapera, vati kwavari dzange dzisina kunyanya kushata sezvo vaitarisira kuti paifanira kupasa vana zvikamu makumi maviri nevashanu kubva muzana.

Zvikamu makumi masere nezviviri kubva muzana zvevana vese vakanyora bvunzo dze O Level gore rapera hazvina kupasa izvo zvakamutsa mutauro munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG