Dare reSupreme Court rapa neMuvhuro mutongo wekuti matare haana simba rekumanikidza vashandirwi kubhadhara vashandi mari dzakaita sedzedzimba kana dzevana veechikoro kana zvisina kunge zvisiri muchibvumirano chebasa, employment contract.
Izvi zvinotevera nyaya yange yave nemakore manomwe iri mumatare pachinetsana kambani yeNational Railways of Zimbabwe nevashandi vayo avo vange vachida kuti dare rimanikidze kambani iyi kuvabhadharira dzimba uye mari dzevana vechikoro.
Asi vatongi vematare vanoti Venanda Ziyambi, Elizabeth Gwaunza, na Antonia Guvava vati matare haana simba rekumanidza vashandirwi kubhadhara vashandi mari dzekubhadhara dzimba nechikoro chevana kana zvisina kunge zvambonyoreranwa pasi.
Munyori wesangano re Zimbabwe Amalgamated Railway Workers Union, VaKenneth Nhemachena, vanoti zvinhu hazvina kuvamirira zvakanaka kuvashandi veNRZ uye havasi kubhadharwa zvakanaka.
Zvinhu kukambani yeNRZ zvagara hazvina kumira zvakanaka. Vakafanobata chigaro chamaneja wekambani iyi, VaLewis Mukwandi, vakaudza paramende kuti kambani iyi ine chikwereti chinosvika zana nemakumi makumi mana nemana emamiriyoni emadhora.