Accessibility links

Breaking News

Kunetsana Kwoenderera Mberi muKanzuru yeHarare


<div>حضور فاطمه معتمدآریا در روز نخست سی و پنجمین جشنواره جهانی فیلم فجر<br />
عکس: مهران ریاضی</div>
<div>حضور فاطمه معتمدآریا در روز نخست سی و پنجمین جشنواره جهانی فیلم فجر<br /> عکس: مهران ریاضی</div>

Zvinhu mukanzuru yeHarare hazvina kumira zvakanaka zvichitevera kumbomiswa basa kwemunyori weguta, VaTendai Mahachi, nameya weHarare, VaBernard Manyenyeni.

Meya veguta vanoti panoda kuti paitwe ongororo yemafambisirwo emari nehumwe hurongwa hwekanzuru.

Asi aka hakasi kekutanga VaMahachi vachimbomiswa basa naVaManyenyeni.

Gore rapera VaMahachi vakambomiswa basa vachipomerwa mhosva yekuramba kuzivisa kanzuru kuti vakuru vakuru vekanzuru vaitambira marii pamwedzi. Asi VaMahachi vakazodzorwa pabasa negurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo.

Vanhu vakawanda vari kutenderana kuti nekuda kwekupindira kwaVaChombo mumabasa ekanzuru, uye kunetsana kwevakuru vekanzuru, zvinhu mudhorobha hazvina kumira zvakanaka.

Vamwe mukanzuru vanoti nyaya yekuti VaMahachi vari kuramba kuudza makanzura kuti mamaneja ari kutambira marii, uye kusaterera zvinenge zvasungwa nemakanzura, ndiyo yapa kuti vamiswezve basa.

Asi ivo VaManyenyeni vanoti pari zvino havasi kuda kutaura zvakawanda nezvezvikonzero zvekumisa VaMahachi basa.

VaManyenyeni vanoti rwendo rwuno vakatanga vasuma VaChombo here vasati vatora danho iri.

Pange paine mashoko ekuti VaManyenyeni vakaita zano ndega vasina kusuma makanzura nezvedanho iri.

Asi mutevedzeri wavo, VaThomas Muzuva, vati pamutemo VaManyenyeni vanokwanisa kuita zvavakaita.

Hatina kubata VaMahachi mbune panharembozha yavo sezvo vanzi vange vari mumusangano wechimbi chimbi naVaChombo. Asi munhu adaira nharembozha iyi ati VaMahachi vari pabasa.

Masangano ose anomiririra vagari vemu Hararare anoti ari kufara zvikuru nedanho rekumbomisa basa VaMahachi kuitira kuti vaferefetwe.

Sachigaro weCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vanoti vari kufara zvikuru nedanho iri. VaMoyo vati naivowo havasi kufara nemabasa ekanzuru.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weHarare Resident Trust, VaPrecious Shumba, avo vatiwo kanzuru yeHarare haina zvairi kuita mukugadzirisa matambudziko akatarisana nevagari vemuguta.

Mumwe mugari wekuMabvuku, Amai Jocelyn Manyeruke, vanoti vaona nhamo nekushaikwa kwemvura vachiti kanzuru haina chairi kuvaitira.

Kanzuru yeHarare iri kunetsana nevagari sezvo yatanga chirongwa chekutora midziyo yevanhu vanenge vaine zvikwereti. VaShumba naVaMoyo vari kushora zvikuru danho iri.

Amai Manyeruke vatiwo vari kushushikana zvikuru nenyaya iyi.

Asi Kanzura Muzuva vati kanzuru haina chaingaite sezvo ichida kuti iitewo mabasa ayo.

Kare guta reHarare rainge rakachena zvinonwisa mvura uye kanzuru yaishanda zvakanaka. Asi vakawanda vanoti ave manatsa mukanwa eharawa kurota ichiyamwa.

Migwagwa yakazara marara, marobotsi haasi kushanda, uye vanhu vari kugara vachirwara nekorera nezvimwe zvirwere zvinokonzerwa nekunwa mvura isina kuchena.

Nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi, muguta mazarawo nevanhu vanenge vachitengesa zvinhu zvekuti munhu ave kushaya pekuisa tsoka.

Nyaya Ina BLessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG