Accessibility links

Breaking News

Mapazi eHurumende Otadza Kushandisa Mari Zvakanaka


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)
Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Mapazi ehurumende pamwe nemamwe makambani ari pasi pehurumende anonzi ari kukundikana kugadzirisa hurongwa hwekufambisa mari dzehurumende zvakajeka izvo zvopa kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Mugwaro rakaturwa kudare reparamende nehofisi yaAuditor and Comptroller General kuburikidza negurukota rezvemari, zvakabuda pachena kuti hurumende kubva muna 2012 kusvika gore rapera, yainge iine mari inosvika mabhiriyoni matatu nemamiriyoni mazana mashanu emadhora asiri kuzivikanwa kuti yakashandiswa sei.

Makambani ehurumende anonziwo ari kupihwa mari yakawanda kunyange ari kutatarika asi achitadza zvekare kuratidza kuti mari iyi iri kufambiswa sei.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mari iyi inogona kushandiswa mumabasa ebudiriro nekugadzirisa hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Mapazi ose ehurumende anonzi haasi kuburitsa pachena kuti mari dzehurumende dziri kufambiswa sei.

Hofisi iyi yave nemakore ichiburitsa magwaro anoratidza kuti pane huori hunotyisa huri kuitwa muhurumende asi hapana zvikuru zviri kuitwa nehurumende kugadzirisa nyaya iyi.

Vanoongorora mashandisirwo emari yehurumende, Amai Mildred Chiri, vanoti hurumende inofanira kutevedzera kurudziro dzavanopa kuitira kuti nyika isarasikirwe nemari yakawanda uye kumisa nyaya dzehuori.

Hurukuro naAmai Mildred Chiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG