Accessibility links

Breaking News

MDC Yoronga Kuendesa Paramende kuConCourt neNyaya yeChikwereti cheRBZ


gono
gono

Dare reHouse of Assembly neChipiri rakavhota richitambira chikwereti cheReserve Bank of Zimbabwe Debt Assumption Bill kuti chive chehurumende.

Izvi zvave kureva kuti hurumende ndiyo inenge yobhadhara zvikwereti zveRBZ zvinopfuura bhiriyoni imwe chete yemadhora.

Nhengo yedare reparamende yeMDC-T, VaEddie Cross, vanoti bato ravo riri kuronga kuenda kudare repamusoro soro reConstitutinal Court richinopikisa kupasiswa kwebhiri rekuti hurumende itore chikwereti cheRBZ icho chakaitwa panguva iyo VaGideon Gono vaiva gavhuna webhanga iri.

Mashoko aya atsinhirawo nevanokokera mabasa eMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, avo vanoti vanhu vose vakapihwa zvikwereti neRBZ havaifanirwa kuvhota muparamende padanho iri.

Gweta uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaDavid Coltart, vanotiwo pamitemo zvikuru yenyika dzaive pasi pehutongo weBritain kana kuti Commonwealth Countries, nhengo dzedare reparamende hadzitarisirwe kuti dzivhotere bhiri kana dziri idzo dzakawana chouviri pazviri.

Asi gweta uye vari nhengo yeZanu-PF, VaJonathan Samkange, vatiwo havaone MDC-T ichibudirira panyaya iyi nokuti paramende ndiyo inodzika mitemo.

Muzvinafundo munyaya dzemitemo, uye vachitungamira bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanotiwo zvinonetsa kuona MDC-T ichibudirira.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaChris Mugaga, vanoti havaone chakaipa panyaya yehurumende yekutora chikwereti ichi.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaJoy Mabenge, vanoti sangano ravo harisi kufara zvachose nemabatirwo enyaya iyi nehurumende nebato reZanu-PF.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti sezvo paine vanhu vanozivikanwa kuti ndivo vakapihwa zvikwereti neRBZ, paramende yaifanirwa kutanga yaona kuti zvinhu zvose izvi zvatorwa zvotengeswa, kuitira kuti pasave nemunhu anoregererwa chikwereti iye achishandisa midziyo yaasiri kuda kubhadharira mari.

Hurumende pachayo ine chikwereti chinosvika mabhiriyoni gumi emadhora yairi kutadza kubhadhara kumabhanga nehurumende dzekunze.

Nyaya ina BLessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG