Accessibility links

Breaking News

Rwendo raVaMugabe kuRussia Rwokonzera Mutauro


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kushanya kuRussia uko vakaita musangano nemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin uye vamwe vanoita zvemabhizimisi.

VaMugabe vakakokwa naVaPutin sasachigaro weAfrican Union pamhemberero dzechimakumi manomwe Russia nedzimwe nyika dzakunda Nazi-Germany muhondo yeSecond World War.

Asi mutauriri waVaMugabe VaGeorge Charamba vanoti VaMugabe vakabva vatora mukana uyu kuti vataure nevemabhizimisi vekuRussia vachivakurudzira kuti vauye kuzotanga mabhizimisi muZimbabwe.

Vamwe vakaita hurukuro naVaMugabe ndevekambani yeGreat Dyke iyo iri kuchera platinum kuMashonaland West.

Rwendo rwaVaMugabe rwakonzera mutauro wakanyanya vamwe vachiti nzendo dzavo dziri kungopedza mari vanhu vakawanda vachinonga svosve nemuromo.

Asi vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaBright Matonga vanoti hapana chakapa pane nzendo idzi sezvo Zimbabwe yagara ichishanda zvakanyanya nenyika yeRussia uye zviri kubatsira mukugadzirisa hupfumi hwenyika.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaClifford Mashiri vanoti VaMugabe havafanire kungofamba vachidzoka nenhava izere mhepo

XS
SM
MD
LG