Accessibility links

Breaking News

Chikwereti kuKambani yeMagetsi Chosvika Bhiriyoni Imwe Chete yeMadhora


Mukuru wekambani inoona nezvekutengeswa kwemangetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company (ZETDC) VaJulian Chinembiri vanoti vanoshandisa magetsi vane chikwereti chemadhora bhiriyoni imwe chete.

VaChinembiri vakaudza komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto neMuvhuro kuti vanhuwa zvavo vane chikwereti chemamiriyoni mazana matatu emadhora uyewo vemigodhi nemamwe makambai makuru vane chikwereti chemamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora.

Vane zvikwereti zvakakurisa vanosanganisa hurumende nemakambani ayo, makanzuru, pamwe nevarimi.

VaChinembiri vanotiwo kambani yavo iri kutora matanho akasiyana siyana kuti iwane mari iyi vakati imwe nzira yavari kushandisa imari yekubhadharisa vanhu magesti vasati vaashandisa kana kuti kuisa maprepaid mita.

Vatiwo makambani akawanda pamwe neveruzhinji vave nemamita aya uye kana munhu ane chikwereti achinge atenga magetsi zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari yaanenge abhadhara zvinoenda kunobhadhara chikwereti chake.

Vati mamita aya akanaka chose uye aita kuti kambani yavo ichengetedze magetsi akawanda chose kubvira paakatanga chirongwa ichi makore matatu apfuura. Vatiwo kambani yavo ine chikwereti chamemamiriyoni mazana matatu kumabhanga emunyika.

VaChinembiri vati kunyange hazvo pane mabasa akawanda ekuvandudza mabasa ekugaya magetsi nyika haina magetsi akakwana ndosaka vari kugara vachidzima magetsi. Vatiwo parizvino nyika haikwanisi kutenga magetsi kubva kune nyika dzayakavakidzana nayo sezvo dzisinawo magetsi akakwana.

VaChinembiri vaudzawo komiti iyi kuti vashandie vese vemuZESA vanodarika zviru zvishanu , pamwe neveshandi vemubazi rezvemhando dzemoto vanoshandisa magetsi pachena izvo zvagumbura nhengo dzedare reparamende.

Mumiriri weMasvingo Central Edmund Mhere vashora kuita uku vachiti kambani iyi haigoni kuita izvi sezvo isina mari yakakwana yekushandisa. Vamwewo vasina kufara nenyaya iyi mumiriri weBikita West VaMunyaradzi Kereke.

Asi VaChinembiri vati Havana zvavangaite vachiti mutemo webasa wekuti vashandi ava vapihwe magetsi pachena uye izvi zvinoita kuti vashande vakafara.

Sachigaro wekomiti iyi, VaLovemore Matuke vaudza VaChinembiri kuti vavape mazita evanhu vese vari kupihwa magetsi pachena uye vati komiti yavo ichaongorora nyaya iyi zvekare nemusiu wemuvhuro svondo rinouya.

Muneimwewo nyaya, mutevedzeri wemukuru wemajeri anoona nezvekufambiswa kwebasa muZimbabwe Prisons and Correctional Services VaAggrey Machingauta vaudzawo paramende kuti kuedza kutiza mujeri reChikurubi Maximum Prison kwakaitwa nevasungawa muna Kurume kwaive nechekuita nezvematongerwo enyika.

Vati izvi zvakakarongwa nerubatsiro rwevanhu vaive kunze uye chinangwa chaive chekunyadzisa mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe avo vaishanya kunyika yeJapan panguva iyi.

Vatiwo havafunge kuti nyaya yekusamira zvakanaka kwechikafu ndiyo yakakonzera izvi vachiti chikafu chakatomboshaikwa muna 2007/8 uye izvi hazvina kumboitika. Vasungwa vana vakafa muchiitiko ichi uye magadhijeri gumi nemapfumbamwe akakuvara.

XS
SM
MD
LG