Accessibility links

Breaking News

Telecel Zimbabwe Yoronga Kuendesa Hurumende kuMatare eKunze


Kambani yeTelecel Zimbabwe yapa hurumende mwedzi mitanhatu yekugadzirisa nyaya yekukanzurirwa kwayo rezinesi nehurumende.

Kambani iyi inoti izvi zvikakundikana inenge yokwira kudare re International Centre for Settlement of Investment Disputes riri muWashington DC rine hukama hwakasimba neWorld Bank.

Telecel Zimbabwe yakanyorera tsamba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa MaMushowe, uye mukuru we Potraz, VaBaxton Sirewu.

Telecel Zimbabwe yakakanzurirwa rezenisi ichipomerwa mhosva yekusatevedzera mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema unoti makambani ekunze anofanira kupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemunyika.

Izvi zvinonzi zvapawo kuti VaMandiwanzira vaite musangano nevamiriri vekune dzimwe nyika vachitsanangura mamiriro akaita zvinhu muTelecel Zimbabwe.

Zimbabwe yave nenhoroondo yekuendeswa kumatare ekunze ichipomerwa mhosva dzekutyora zvibvumirano zvekudyidzana nedzimwe nyika uye kutyora mitemo yayo.

Hatina kukwanisa kubata VaMandiwanzira kuti tinzwe zviri kuitika.

Muzvibabhizimisi vachishanda nesangano reResource Exploitation Watch, VaTafadzwa Musarara, vanoti Telecel Zimbabwe haifanire kumhanyira kumatare ekunze isina kupedza emunyika.

Hurukuro naVaTafadzwa Musarara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vaimbova gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti vari kunetsekana zvikuru nenyaya yekuti vashandi vanogona kurasikirwa nemabasa.

Hurukuro naVaNelson Chamisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG