Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakatambirwa neruremekedzo rukuru nemutungamiri weChina, VaXi Jinping, paChinese Great Hall muBeijing.
Murwendo rwavo rwemazuva mashanu, VaMugabe vachataura nyaya dzekuvamba mabhizimisi muZimbabwe nevakuru vehurumende yeChina.
VaMugabe vakaenda nemwana wavo Chatunga Bellaemine, mudzimai wavo Amai Grace Mugabe, pamwe nemanwe makurukota akati wandei.
Makurukota aya anosanganisa rezvemari, VaPtrick Chinamasa, gurukota rekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaObert Mpofu, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, negurukota rezvicherwa, VaWalter Chidhakwa .
VaXi vati VaMugabe ishamwari yepedyo yehurumende yeChina uye vane nhoroondo yakasimba.
VaMugabe vatiwo vanonzwa sevari kumusha kwavo kana vari kuChina.
Vane ruzivo nezverwendo urwu vanoti VaMugabe vari kutsvaga mari inosvika mabhiriyoni gumi emadhora yekubatsira kumutsiridza chirongwa cheZimAsset icho chinoda mabhiriyoni makumi maviri nemanomwe emadhora.
Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanoti havasi kuuya nemari asi kuti vari kuda kuti China iuye kuzoita mabhizimisi munyaya dzekugadzira zvivakwa, magetsi, migodhi nemhando dzemoto.
Mashoko aya anopikisana nemashoko ange achitaurwa nevamwe vakuru vemuhurumende kusanganisira mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, naVaChinamasa, avo vakati mumwedzi yapfuura China kuburikidza nemutevedzeri wemutungamiri wenyika iyi, VaLi Yuanchao, nemumiriri weChina muZimbabwe, VaLin Lin, vainge vavimbisa kuti China ichabatsira hurongwa hweZimAsset.
Hatina kukwanisa kubata makurukota ehurumende ari kuChina sezvo ange asingadaire nharembozha dzavo.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kushora VaMugabe nekutakura makurukota avo vachisiya vemabhizimisi vemunyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti zvange zvakakosha kuti VaMugabe vaende neve mabhizimisi.