Accessibility links

Breaking News

CZi Yoita Kongiresi Yayo kwaMutare


Zimbabwe Companies Facing Indigenization Move to Empower Workers
Zimbabwe Companies Facing Indigenization Move to Empower Workers

Sangano revemabhizimisi reConfedaration of Zimbabwe Industries, kana kuti CZI riri kupeta musangano waro wepagore maMutare neChishanu.

Musangano uyu wakangangana nekuyedza kumutsiridza maindasitiri anogadzira zvinhu, uye wakatanga neChitatu.

CZI iri kutarisirwa kubuda nezvisungo zvakanangana nekumutsiridza hupfumi uye kuzeya mamiriro akaita chirongwa chegwara rezvehupfumi cheZimAsset.

Vamwe vanyarikani vari kutaura kumusangano uyu vanosanganisira gurukota rezvemaindasitiri, VaMike Bimha, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Mutungamiri weCZI, VaCharles Msipa, vakaudzawo musangano uyu neChitatu kuti hurumende inofanira kuwana nzira dzekuti chirongwa cheZimAsset chiwaniswe mari yekuti chishande.

Hurumende inoda mari inosvika mabhiriyoni makumi maviri nemaza masere emamiriyoni emadhora kuti ikwanise kuita izvi.

Asi pari kushaya vanopa Zimbabwe mari iyi.

Pari zvino, gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, negurukota rezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vari kuRussia kunotsvaga vanhu vanouya kuzotanga mabhizimisi munyika.

Vaimbotungamira CZI, VaCallisto Jokonya, avo avo vari kumusangano uyu, vanoti panoda mushandira pamwe pakati pehurumende nevemaindasitiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG