Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yozeya neSouth Africa Magwaro eZvizvarwa zveZimbabwe


Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, vari kuita musangano neChina negurukota rezvemukati me South Africa, VaMalusi Gigaba, kuti vakurukure nyaya yemagwaro ekushanda akapihwa zvizvarwa zveZimbabwe avo ava kupera nguva yawo.

Magwaro aya akapihwa zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvigare pamwe nekushanda muSouth Africa pasi pechirongwa che Special Dispensation.

VaMohadi nemumwe vavo vari kutarisirwawo kuzeya nyaya yehuwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvinonzi zviri kutsvaga hupoteri munyika iyi.

Musangano uyu uri kuitirwa mu Pretoria ku South Africa.

Vanotungamira mabasa epamuzinda weZimbabwe muSouth Africa, VaGodfrey Magwenzi, vatenda kuti musangano uyu uriko neChina.

Mutauriri waVaGigaba, VaMayihlone Tshwete, vaudzawo Studio 7 kuti musangano uyu uchabata nyaya dzemagwaro ekushanda uye vana veZimbabwe vari muhupoteri.

VaTshwete vatiwo danho rekuti magwaro aya oitwa sei rinogona kutorwa mukati memasvodo maviri.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvinosvika zviuru mazana maviri nemakumi mashanu zvakapihwa magwaro ekugara pamwe nekushanda muSouth Africa muna 2012.

Hurumende yeSouth Africa inotiwo zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvakawandisa kudarika zvimwe zvizvarwa zvedzimwe nyika dzose.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nekuoma kwaita zvinhu muZimbabwe, huwandu hwevanhu vachanopotera muSouth Africa hunogona kuwedzera.

Mutauriri wesangano eZimbabwe Migrants Association, VadDaniel Muzenda, vanoti vanotarisira kuti musangano uyu uchabuda nezvinovayamura sezvo vakamira negumbo rimwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG