WASHINGTON —
Zimbabwe iri mubishi kuronga misangano nehurumende yeAmerica kuitira kuti America isarambidze vanhu vemunyika iyi kutenga nyanga dzenzou kubva kuZimbabwe.
Zimbabwe inoti izvi zviri kukanganisa zvakanyanya hupfumi hwenyika. Zimbabwe inotiwo mune dzimwe nzvimbo nzou dzayo dzakawandisa zvekuti dziri kuvhiringa magariro akanaka evanhu.
America yakamisa kutengwa kwenyanga dzenzou kuZimbabwe neTanzania muna Kubvumbi ichiti haina humbowo hwakakwana kuti nzou munyika mbiri idzi dzichiri dzakawanda here sekutaurwa kuri kuitwa nehurumende dzenyika mbiri idzi.
Pari zvino mumwe mukuru anoona nezvekuchengetwa kwemhuka nezviwanikwa, VaHillary Tandeupenyu, vatori muWashington vachigadzirira misangano ichaitwa nevakuru vebazi rinoona nezvemhuka nemasangano, pamwe nevamwe vakuru mudare rekongiresi muWashington.
Sachigaro vesangano Zimbabwe Conservation Task Force, VaJohnny Rodriguez, vanoti America haifanire kudzora tsvimbo kusvika Zimbabwe yamira nyaya dzehuori.
Asi mutungamiri wesangano reSafari Operatos Association of Zimbabwe, VaEmmanuel Fundira, vanotiwo America ikaramba yakatsika madziro vanhu vakawanda vacharasikirwa nemabasa.