Accessibility links

Breaking News
USA

Bazi rezveHupfumi Royambira Kuti Hupfumi Hucharambe Huchienda kuMawere


Ministers Joseph Made (L) and Patrick Chinamasa (R)
Bazi rinoona nezvehupfumi neMuvhuro rakaburitsa mashoko anoratidza pachena kuti mamiriro aita hupfumi haachina kunaka uye zvinhu zvinogona kutonyanya kuipa mumwedzi mishoma inotevera.

Mugwaro rinoburitswa pamwedzi nebazi iri reTreasury State of The Economy Report, bazi iri riri kuyambira kuti mumwedzi mishoma inotevera, nyika inogona kuramba iri mumadhaka panyaya dzemitengo yezvinhu kana kuti deflation zvichereva kuti zvitoro zvinenge zvozara nezvinhu zvisina anotenga.

Bazi iri rinotiwo mari yemitero inowanikwa nehurumende yaderera nezvikamu gumi kubva muzana zvichiratidza pachena kuti mari yekubhadhara vashandi ichanetsa.

Hurumende yakawana mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi mana nemasere emadhora - US$248 million - asi iyo yaitarisira mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi manomwe nemadhora makumi matatu nematanhatu kana kuti US$273, 36 million.

Bazi iri rinotiwo makambani gumi nemashanu anoita zvesimbi akavharwa muna Kukadzi. Huwandu hwezvicherwa hwakadererawo zvakanyanya.

Gwaro iri rinoratidzawo kuti mari dzekubhadhara vashandi dzichiri dzakawandisa izvo zviri kusiya hurumende isina mari yekuita zvimwe zvinodiwa zvakaita sekugadzira migwagwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze vanoti hurumende inofanira kuyedza kukwezva vekunze asi zvichatora nguva kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
XS
SM
MD
LG