Accessibility links

Breaking News

VaDzamara Vanorangarirwa Zvine Mutsindo muHarare


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabatana neChitatu nemhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, mukucherechedza kusvitsa gore VaDzamara vapambwa ndokutsakatika.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vabatana neChitatu nemhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, mukucherechedza kusvitsa gore VaDzamara vapambwa ndokutsakatika.

VaTsvangirai vati vanhu vemuZimbabwe havafaniri kuzorora kudzamara hurumende yaburitsa VaDzamara pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu.

Vanhu vakawanda kusanganisira mhuri yekwaDzamara, vezvematongewro enyika nevanorwira kodzero dzevanhu vaungana muAfrica Unity Square umo mashaindira VaItai Dzamara nevamwe vavo veOccupy Africa Unity Square, vachirangarira kupera kwegore VaDzamara vatsakatika pedyo nekumba kwavo kuGlen View kwavakapambirwa.

Vachitaura pagungano iri, VaTsvangirai vati kupambwa kwaVaDzamara kunoratidza kuti hurumende iri kutadza kuita basa rayo rekuchengetedza vanhu uye iri kupamba avo vane pfungwa dzisingapindirane nedzayo.

Vati hurumende yave kutya vanhu nekuda kwekuti yawondonga hupfumi uye yaunza nhamo nenzara munyika.

VaTsvangirai vati vanhu vemuZimbabwe vanofanira kuramba hudzvanyiriri hwehurumende pamwe nekuona kuti VaDzamara vaburitswa pavari zvisinei kuti vapenyu here kana kuti vakafa.

Mumiriri wemhuri yekwaDzamara zvakare vari munin’ina waVaItai Dzamara, VaPatson Dzamara, vati chinodiwa nemhuri yavo chete kuti hurumenee idzore mukoma wavo sezvo asina chaakatadza.

Vati havasi kuzozorora kudzamara kudzamara zvavari kuda zvaitika.

Vaimbove nhengo yeparamende yeZanu PF avo vakadzingwa uye vave kutungamira sangano reYouth Advocacy for Reform and Democracy, VaTemba Mliswa, vatiwo sangano ravo rinotsigira mabasa aiitwa naVaItai Dzamara uye vakurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varwire kodzero dzavo.

Vatiwo nhengo dzeparamende dzinofanira kuona kuti kodzero dzevanhu dzaremekedzwa uye vati vave kuzviona ikozvino mushure mekudzingwa kwavo muZanu PF.

Imwe nhengo yekomiti yeSeneti inoona nezvekodzero dzevanhu, VaMisheck Marava, vati gungano raitwa nhasi raratidza kuti Zimbabwe inomira nemhuri yekwaDzamara uye izvi zvinofanira kusimbisa mhuri iyi.

Mushure mekunzwa mashoko kubva kunaVaTsvangirai nevamwe, mazana nemazana evanhu pamwe naVaTsvangirai, vabva vapinda mumugwgwa vachiimba, nekutamba vachikururdzira kuti hurumende itsvage nekuburitsa VaDzamara.

Mumwe wevapinda mumugwagwa ndaVaTafadzwa Mutubuki avo vati havasi kufara nenyaya yekuti hurumende iri kutadza kuwana VaItai Dzamara.

VaDzamara nechikwata chavo cheOccupy Africa Unity Square vairatidzira muAfrica Unity Square vachiti mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vaifanira kusiya basa sezvo vari kutonga nyika.

Izvi ndizvo zviri kuita kuti mhuri yavo pamwe nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu vafunge kuti vakapambwa nevasori.

Kunyange hazvo dare reHigh Court rakapa mutongo wekuti mapurisa nevasori vanofanira kuzivisa mhuri yaVaDzamara zvavange vawana mukutsvaga kwavari kuita VaDzamara, magweta avo nemhuri yavo vanoti hapana zvine musoro zviri kutaurwa nemapurisa .

Zvichakadai, mumashoko awo pasvika gore VaItai Dzamara vapambwa, muzinda weAmerica muZimbabwe wati America inoshushikana zvikuru nekusawanikwa kwaVaDzamara uye inokurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ichengetedze kodzero dzevanhu vose kusanganisira dzaVaDzamara.

America inoti bumbiro reZimbabwe rinopa zvizvarwa zvenyika iyi mukana wekuratidzira pachena uye hurumende inofanira kupa vanhu kodzero dzavo dzose.

Yakurudzirawo kuti hurumende iongorore mhirizhonga yezvematongerwo enyika pamwe nekutsakatika kwevanhu kuitira kuti vanenge vapara mhosva idzi varangwe.

Hatina kukwanisa kunzwa dziri rehurumende kana Zanu PF panyaya iyi. Asi mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaudza paramende nguva yapfuura kuti hurumende iri kushushikana nekushaikwa kwaVaDzamara.

Asi mhuri yaVaDzamara inoti kushaya hany'a kwehurumende panyaya iyi kunoita kuti vafungire kuti vakapambwa nevasori kana vamwe vari muhurumende.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG