Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvokurudzirwa Kupinda muChirongwa cheHIV Engagement muMaryland kuAmerica


Chirongwa cheHIV Engagement chiri kutungamirwa nesangano rePatcha Foundation richibatsirwa nemari inobva kuhurumende yedunhu reMontgomery.
Chirongwa cheHIV Engagement chiri kutungamirwa nesangano rePatcha Foundation richibatsirwa nemari inobva kuhurumende yedunhu reMontgomery.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muMontgomery County nePrince George’s County mudunhu reMaryland muAmerica, zvinorarama neHIV/AIDS, zviri kukurudzirwa kuti zvipinde muchirongwa che HIV Engagement, kana kuti HIVE, icho chakanangana nekubatsira vasina mikana yakawanda.

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano rePatcha Foundation, rinove ndiro riri kutungamira chirongwa ichi, Amai Tanya Munemo, vanoti chirongwa che HIVE ichi chinobatsirwa nemari inobva kuhurumende yedunhu reMaryland, uye chakanangana nekubatsira vanenge vapinda muAmerica vachibva kune dzimwe nyika, kunyanya dzemuAfrica, kusanganisira Zimbabwe.

Amai Munemo vanoti vanhu vanenge vachizobatsirwa nekuvhenekwa kuti vaonekwe kana vaine hutachiwana hweHIV, kubatsirwa nemishonga pamwe nezvimwe zvavangada asi vanga vasiri kukwanisa kuzviwana.

Vanoti vanhu havafanirwe zvavo kutya kana kunyara kupinda muchirongwa ichi nekuti nhoroondo yehutano hwavo inokosheswa uye inochengetedzwa zvakasimba.

Chirongwa ichi chinonzi chiri kupera muna Chikumi wegore rino uye vanoda kupinda muchirongwa ichi vanokurudzirwa kuti vashandise dandemutande rinoti www.hivecare.org.

Amai Munemo vanotiwo vanhu vanokwanisa kuwana mashoko pamusoro pechirongwa cheHIVE kuburikidza nemadandemutande eFacebook, Twiiter neInstagram.

Hurukuro naAmai Tanya Munemo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG