Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Kutengesa Mangoda kuBelgium


diamonds
diamonds
Musika mukuru wekutengesa mangoda pasi rose, we Antwerp Diamonds kuBelgium unoti kutanga neChitatu Zimbabwe yainge yotarisirwa kutanga kutengesa mangoda ayo kekutanga kubva zvakabviswa zvirango zvainge zvakatemerwa kambani yeZimbabwe Mining Development Corporation.

Zvirango izvi zvakabviswa muna Gunyana. Antwerp World Diamond Centre inoti yange ichitarisira kuti Zimbabwe itange kutengesa mangoda anosvika zviuru mazana matatu.

Asi gurukota rinoona nezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vanoti havasati vave negwaro rizere rekuti zviri kufamba sei mukutengeswa kwemangoda aya.

Asi kwaMarange, sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, kunenge kuri kuramba kuchiita mutauro. Svondo rapera VaChidhakwa vakashanyira nzvimbo iyi vakagunun’una kuti mafambisirwo emangoda haana kujeka. Vakatiwo mari iyi haisi kuuya kuhomwe yehurumende.

Vakashorawo makambani ekwaMarange nenyaya yekusavaka mahofisi kana kugadzirawo migwagwa munzvimbo iyi.

VaChidhakwa vakaudzwawo nevamwe vakuru vemakambani ari kuchera mangoda kuti mangoda ave kupera zvikuru anenge ari pamusoro soro zvopa kuti padiwe michina yekuchera ari pasi.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvezvicherwa, VaFred Moyo, vanoti hachisi chokwadi kuti mangoda ave kupera.

Asi mamwe makambani akaita seAnjin atozivisa kuti ari kumisa basa vanhu vanodarika zana nemakumi mapfumbamwe nenyaya yekuti mutengo wemangoda wave kuderera uye inenge yoda kushandisa michina kuchera mangoda ari pasi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti hapna chichachinja kuminda yemangoda nepamusana pehuori.

Sachigaro veResources Exploitation, variwo nhengo yeZanu-PF, VaTafadzwa Musarara, vanoti hurumende ichawana mari yakawanda kubva kuBelgium sezvo mangoda aya ava kutengeswa kunyika dzanga dzakatemera zvirango kumakambani anoita zvemangoda mu Zimbabwe.
XS
SM
MD
LG