Accessibility links

Breaking News

Makambani eMangoda Aivhiringidza Hutano hweVanhu neZvipfuyo Zvavo


Human Rights Watch Says Zimbabwe's Marange Diamonds Funding Mugabe Party

Mumwe mugari wekwaOdzi, Muzvare Mavis Garenyi, vanoti makambani aichera mangoda aya anga asinei nehutano hwavo uye akasvibisa mvura yemuna Odzi iyo inovararamisa ivo nezvipfuyo zvavo.

Vagari vakatenderedza nzvimbo yeMarange neChimanimani vanoti havasi kufara zvachose nezvaiitwa nemakambani akamiswa nehurumende kuchera mangoda kunzvimbo iyi vachiti makambani aya aikanganisa hutano hwavo.

Mumwe mugari wekwaOdzi, Muzvare Mavis Garenyi, vanoti makambani aichera mangoda aya anga asinei nehutano hwavo uye akasvibisa mvura yemuna Odzi iyo inovararamisa ivo nezvipfuyo zvavo.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaTimothy Sigauke, vanoti mvura yavo yakasvibiswa zvikuru nemishonga yaishandiswa nevemugodhi ava.

Vegari vekwMarange vanoti sangano rakazvimirira reZimbabwe Environmental Law Association ndiro rakavabatsira nekuvacherera zvibhorani mushure mekunge vorwariswa nemvura dzine mushongo waibva munzvimbo dzinocheneswa mangoda.

VaSigauke vanotiwo nemakore ane chitsama anga achicherwa mangoda nemakambani aya,hapana kana kirinika zvayo yekavakwa nemakambani aya kuitira kuti vanhu vanorwara mushure mekunwa mvura dzinetsvina idzi varapwe.

Kunyange hazvo vamwe vagari ava vari kufara nekuvharwa kwemigodhi yemangoda iyi, mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Muzvare Maruwa Chidowe, vanoti kuvharwa kwemigoghi iyi kwavabaya panyama nhete kunyange hazvo migodhi iyi yange ichikanganisa hutano hwevanhu..

Ongororo yakaitwa neUniversity of Zimbabwe ichishanda ne Zimbabwe Environmental Law Society yakaburitsa pachena kuti nzizi mbiri, Odzi na Save, dzainge dzazara nemuchetura waibva kumakambani anochera mangoda, izvo zvakanga zvichiisa vagari nezvipfuyo zvavo panguva yakaoma.

Kubva pakatanga kucherwa mangoda kwaChiadzwa muna 2011, mombe dzinodarika zviuru dzakafa mushure mekunwa mvura ine michetura.

Vagari vemunzvimbo iyi vanoti vamwe vakatorasikirwa nezvipfuyo zvavo mushure mekunge zvamwa mvura ine mishonga iyi.

Mumwe Chiremba aramba kutaura pamhepo anoti kusvibiswa kwemvura nevanochera mangoda kunogona kukonzera zvirwere zvakadai sekukanganiswa kweganda nezvimwewo zvirwere.

Gurukota rezvezvicherwa, VaWalter Chidhakwa, vakamisa kucherwa kwengodakwaMarange nenharaunda yeChimanimani svondo rapera vachiti makambani aya akakundikana kubatana nehurumende mukuumba kambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company.

Makambani akamiswa aya anosanganisira Anjin Investments, Diamond Mining Company, Jinan, Kusena, Marange Resources and Mbada Diamonds.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG