Accessibility links

Breaking News

Zuva reAfrica Day Rinocherechedzwa Paine Maonero Akasiyana


Africa Day.
Africa Day.

Vezvematongerwo enyika vari kuita maonero akasiyana pamusoro pezvinoreva zuva reAfrica Day.

Vezvematongerwo enyika vari kuita maonero akasiyana pamusoro
pezvinoreva zuva reAfrica Day.

Vachitaura neStudio 7 parutivi pemusangano wavaita nevatori venhau
mukucherechedza zuva reAfrica Day muBulawayo nhasi, nhengo yepolitburo yeZanu PF, Retired Colonel Tshinga Dube, vati zuva iri rakakosha zvikuru sezvo richiyeuchidza vanhu nhoroondo yakafambwa nenyika dzemuAfrica mukuwana kuzvitonga.

VaDube vabvuma kuti nyika dzemuAfrica dzine matambudziko
akasiyana-siyana kusanganisira hondo dziri kukonzerwa nezvikonzero
zvakasiyana-siyana, kusanganisira hutongi hwehumbimbindoga, huwori
pamwe nekutambura kweruzhinji.

Asi vati zviri nani kuti nyika dzemuAfrica dzisangane nematambudziko aya dziine kuzvitonga.

Nhengo yeZanu PF Central Committee uye vakambove mumiriri weMpopoma mudare reparamedne, VaJoseph Tshuma, vatsinhira izvi vakati kune vanhu vanoda kutarisa zvakaipa chete zviri kuitika mune dzimwe nyika dzemuAfrica vasingatarise zvakanaka.

Vatiwo matambudziko akawanda ari munyika dzemuAfrica ari kuunzwa nekuda kwekuti nyika dzekumadokero dzinoda kuti vanhu vemuAfrica vasabatane.

Mutauriri webato reMDC T, VaWitness Dube, vati bato ravo rinopokana
nevanoti zuva reAfrica Day harina kukosha vachiti zvisinei
nematabudziko akatarisana nenyika dzakawanda dzemuAfrica, bato ravo
rinokoshesa rusununguko pamwe nekubatana kwenyika idzi.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati bato
ravo rinoshushikana zvikuru nekuti nyika dzakawanda muAfrica dziri
kurasa gwara revatungamiri vakare vakaita saana Kwame Nkrumah avo
vaikoshesa hutongi hwejekerere nezvido zvevanhu.

Vati kunyange hazvo nyika dzakawanda muAfrica dziine matambudziko
anosanganisira hutongi hwehumbimbindoga nekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu, vane tarisiro yekuti matambudziko aya achapera.

Mumwe mudzidzisi wezvidzidzo zvepamusoro zvematongerwo enyika budirio nekudzyidzana kwenyika dzepasi rose, VaSimbarashe Mataruse, vati kunyange hazvo chiri chokwadi chekuti veruzhinji muAfrica vakatarisana nematambudziko makukutu, vanhu havafanirwe kurasa tariro yekuti ramangwana richave rakanaka.

Zuva reAfrica Day rinocherechedzwa nenyika dzemuAfrica musi wa25 May
gore rega rega sezuva rakaumbwa mubatanidzwa weOrganisation of African Unity.

Sangano iri rakashanda zvakasimba kuti nyika dzemuAfrica
dzakawanda dziwane kuzvitonga kubva kuhudzvinyiriri hwevachena uye
rave kuziikanwa nezita rekuti African Union richibatanidza nyika
dzemuAfrica dzose mune zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG