Accessibility links

Breaking News

Vakavhiringwa neCyclone Idai Vanoti Vanoda Rubatsiro


Zimbabweans Still Recovering Year after Cyclone Idai
Zimbabweans Still Recovering Year after Cyclone Idai

Vamwe vevanhu vari kugara pane imwe yemakamba ari kuchengeta vanhu
vakaparadzirwa dzimba nedutumupengo Cyclone Idai kuChimanimani,
vanoti vari kurarama hupenyu hwakaoma vachityirawo kubatwa nechirwere
cheCovid-19, uye vanoda kuti hurumende ivatsvagire kwekugara kwakanaka
nekukasika.

VaAmen Muzhambi ndemumwe wevagari vepaGarikai Camp inove kamba huru pamakamba mana ari kuchengeta vanhu vakaparadzirwa dzimba dzavo
panguva yeCyclone Idai, mudunhu reChimanimani nemunharaunda.

Garikai Camp haizi kure nepamba pavaigara mumusha unoziikanwa kunzi
Ngangu, asi VaMuzhambi havana hurongwa hwekudzokerapo sezvo imba iyi
yakapwanyika zvakanyanya uye pane njodzi yekuti inogona kupwanyikazve
kana kukanaya imwe mvura yakawanda.

VaMuzhambi vanorarama nekuita mabasa akasiyana-siyana emawoko asi
vanoti nekuda kwekuveko kwechirwere cheCovid-19, havachakwanise
kushanda sezvavaichimboita, izvo zvave kuita kuti kuriritira mudzimai
wavo nevana vashanu kuvanetse.

Nekuda kwekuti vanogara vakawanda mutende imwe chete, VaMuzhambi
vanoti vanotyira kupararira kwehutachiwana hwecoronavirus.

Vanotiwo matende avari kugara haasisina kusimba uye akawanda abvaruka, zvekuti kunze kwekutyira kunaiwa nemvura, vanotyirawo kuti mumatende umu munogona kupinda zvipuka zvakadai senyoka.

VaMuzhambi vanochema-chema nerekuti hurumende haizi kutaura zvakajeka kuti vachaendeswa riinhi kwekuti vanogara zvachose panguva iyo mwaka wekunaya wave pedyo.

Amai Margaret Ngani vanogarawo muGarikai Camp. Amai Ngani, avo vane
vana vana, kusanganisira mudiki asati asvitsa gore, vanobatsira murume
wavo kuriritira mhuri nekushanda mabasa akasiyana-siyana kusanganisira
emumba, uye vanotsinhirawo kuti nekuda kwechirwere cheCovid-19,
kuwana mabasa kwave kunetsa.

Amai Ngani vanoti kunyange hazvo vagari vemuGarikai vachipiwa dzidziso
pamusoro penzira dzekudzivirira nadzo kutapuriranwa kwechirwere
cheCovid-19, vanoti havanyatsoziva zvizere pamusoro pechirwere ichi.

Amai Ngani vanotiwo nekuda kwekugara kwavanoita vakawanda panzvimbo
imwe chete vanotyirawo kupararira kwechirwere ichi.

Amai Ngani anotiwo hurumende inofanirwa kuvatsvagira kwekugara nekukasika.

MuGarikai Camp mune mhuri dzinoda kusvika makumi mapfumbamwe, dzine vanhu vanodarika mazana matatu nemakumi masere.

Mumwe mugari wemuGarikai Camp, VaGodfrey Muparingwe, vanoti
havachawane rubatsiro rwechikafu kubva kumasangano akasiyana-siyana
sezvaiitika pavakatanga kugara mukamba umu. Vanoti izvi zvinoita kuti
vagari vakawanda vazviise panjodzi yekubatwa neCovid-19
vachiedza kushava kuti mhuri dzavo dzirarame.

Sevamwewo vagary, VaMuparingwe vanoti dai hurumende yavabatsira
nekukasika sezvo mwaka wekunaya kwemvura wave kuswedera.

Masangano ari pasi pemubatanidzwa weUnited Nations anosanganisira
United Nations High Commissioner for Refugees, International
Organisation for Migration, kana kuti IOM, neWorld Health Organisation, pamwe nemasangano akawanda anoshanda akazvimirira ega,
akabatsira zvikuru pakaitika dambudziko reCyclone Idai uye mamwe
achiri kubatsira.

VaKelvin Charamba ndivo sachigaro wepaGarikai Camp. Vanoti hurumende
inofanirwa kuratidza kuti ine hany’a nevanhu, yoita kuti vawane
pekugara patsva nekukasika

Mutevedzeri wegurukota rekutongwa kwematunhu Amai Marian Chombo
vakaudza Studio 7 parunhare kuti hurumende yakatogadzira nzvimbo
mazana maviri nemakumi maviri neina dzekuvakira dzichapiwa kune vamwe
vevanhu vari kugara mumatende.

Vakati hurumende ichishanda nemamwe masangano akazvimirira ari
kuibatsira ine dzimba dziri pamatanho ekuvakwa akasiyana-siyana
paNhedziwa Growth Point pedyo nedhorobha reChimanimani.

Mugwaro rarakabudisa muna Kurume wegore rino, sangano reIOM rinoti
mumakmba mana ari muChimanimani mune mhuri mazana maviri nemakumi
maviri neina, idzo dzine vanhu vanosvika mazana masere nemakumi
matatu, kana kuti 830.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG