Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotashurana neSri Lanka neChipiri


Zimbabwe Cricket
Zimbabwe Cricket
Chikwata cheZimbabwe chekiriketi, Zimbabwe Cricket, chiri kutashurana neSri Lanka neChipiri muSri Lanka mumakwikwi eInternational Cricket Council, ICC - Twenty 20 World Cup.

Mukuru wevatambi vekiriketi, Brendan Taylor, anoti chikwata chake, icho chinotarisirwa pasi zvikuru, hachisi muColombo kuwedzera zvikwata mumakundano aya, asi kuti chiri kuda kuita mashiripiti nekudambura zvikwata zvinonzi zvinorura mumutambo uyu.

Taylor anoti vari kuziva basa guru ravakatarisana naro mukurwisana nezvikwata zvine mukurumbira. Asi anoti vatambi vake vese vakamirira kutamba zvine mutsindo pamwe nekukunda.

Chikwata cheZimbabwe chiri mugungano rakaoma zvikuru rinosanganisira pamusoro peSri Lanka, neSouth Africa.

Mushure mekutamba neSri Lanka neChipiri, Zimbabwe ichakweshana neSouth Africa neChina.

Zvikwata zviviri zvinopedza zviri pamusoro soro mugungano rega rega, ndizvo zvinoenderera mberi mumakundano aya zvichisvika pachinhanho chema Quarter Finals.

Asi vamwewo, vachitarisisa mitambo yegadziriro yechikwata cheZimbabwe, vanoti chikwata ichi hachina simba nehunyanzvi hwekusvika muma Quarter Finals.

Izvi zvinotevera kurakashwa kwakaitwa Zimbabwe nezvikwata zvepasi pasi zve Ireland neBangladesh mukupera kwesvondo mumitambo yaive yakarongwa neve ICC kuti zvikwata zvitambe zvichigadzirira makundano epasi rose aya.

Asi vamwe vanoti Zimbabwe yaive pachinhanho chimwe chetecho apo yakaenda kumakundano eICC World Cup muna 1999 apo paive pasina aimbopa chikwata ichi mukana wekukunda asi chakazopedzisira chava pachinzvimbo chechishanu pasi rose.

Vanotevera mutambo uyu vanoti zvakare chikwata ichi chingadai chakatosvika pamutambo wekupedzisira asi kuti chakazokundwa nezvibodza ne New Zealand izvo zvakatadzisa kuti chipinde mugungano rezvikwata zvina zvakazorwira mukombe wepasi rose.

Mutambo wekutanga neSri Lanka ndiwo ucharatidza kuti Zimbabwe ine simba nehunyanzvi here hwekukwanisa kuenderera mberi mumakundano ari kukwikwidza zvikwata zvese zvine mukurumbira mumutambo uyu.

Mutambo neSri Lanka uyu, ndiwo zvekare uchave wekutanga mumakundano aya sezvo chikwata chinenge chiri pamusha mumakundano epamusoro soro akadai, ndicho chinotanga kutamba sechiremekedzo chekutambira vaenzi.
Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG