Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Richapa Mutongo Waro Munguva Inotevera paChikumbiro cheMumwe Mudzidzi


FILE - Pupils attend a class at a school in Harare, Sept, 28, 2020. This school year, Zimbabwe in-person classes resumed the week of August 30, 2021, but thousands of teachers are on strike.

Dare repamusoro muBulawayo rati richazivisa mutongo waro pachikumbiro chechimbi chimbi chakaitwa nemumwe mudzidzi chekuti dare iri rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.

Mutongi wedare reHigh Court, Justice Nokuthula Moyo, vati vachapa mutongo wavo pazuva ravasina kutara pachikumbiro chechimbi chimbi chakaitwa nemumwe mudzidzi atisingagone kudoma nezita sezvo asati abve zera, uyo ari kumiririrwa nambuya vake (Amai Senzeni Nyathi) chekuti dare reHigh Court rirambidze varairidzi kuramwa mabasa.

Chikumbiro ichi chinodoma masangano anomirira varairidzi mashanu
anosanganisira Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Educators Union of Zimbabwe, pamwe neProgressive Teachers Union of Zimbabwe.

Chinodomawo Public Service Commission nemakurukota ezvedzidzo yepasi, mari, uye mabasa nekugara zvakanaka kwevanhu.

Magweta ari kumirira mativi maviri munyaya iyi apiwa mukana wekutsigira maonero avo Justice Moyo vakati vachazopa mutongo wavo.

Rimwe remagweta ari kumirira masangano aya, VaNoble Chinhanhu, zvimwe zvezvazeiwa mudare ndezvekuti chikumbiro ichi chakakodzera kuonekwa sechechimbi chimbi here uyewo kuti Amai Nyathi vakakodzera here pamutemo kuti vave vanokwidza chikumbiro chakadai kumatare.

Gweta riri kumirira vakakwidza chikumbiro ichi kudare, VaBrighton Ndove,
vati maonero evavari kumiririra ndeekuti kuramba mabasa kwevarairidzi kunokanganisa vadzidzi munyika saka dare rinofanirwa kutora danho rinoita kuti vadzidzi vasarasikirwa nedzidzo.

Mutungamiri weEducators Union of Zimbabwe, Muzvare Tafadzwa Munodawafa, vaudza Studio 7 kuti varairidzi havazi kuramwa mabasa asi kuti vari kutadza kuenda kumabasa nekuda kwekuti mari dzemihoro dzavari kuwana hadzivakwanire.

Pave nenguva yakareba varairidzi vachinetsana nehurumende vachiti
vanoda kuwana muhoro wemadhora ekuAmerica mazana mashanu nemakumi mana pamwedzi inove mari yavaiwana hurumende isati yachinja huremu hwemari yemuno.

Asi hurumende inoti haikwanise kupa varairidzi mari yakawanda kudai.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG