Accessibility links

Breaking News

Va Parirenyatwa Vanoti Hurumende Ichagadzirisa Nyaya yePSMAS


Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti hurumende ichiri kupenengura mabhuku ePremier Service Medical Aid Society, PSMAS, kuti ione kuti yotora danho ripi nehutungamiri wekambani iyi.

Hurumende inoti iri kuzeya zvakare rezinesi rekambani iyi, iro rakapera mukupera kwegore rapera.

Asi vachitaura neZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Paul Chimedza, vanoti hurumende inoda kuti bhodhi rePSMAS rivandudzwe uye pasarudzwe maneja anenge akafanobata matomu.

Izvi vanoti zvinofanira kuitwa neChishanu svondo rino.

Vakuru vePSMAS uye nhengo dzebhodhi rekambani iyi vanonzi vaizvitambirisa mari yakawandisa asi vanhu vanobhadhara mari pamwedzi vachitadza kurapwa nekuda kwezvikwereti zvine kambani iyi kuzvipatara nekumadhokotera.

Sachigaro webhodhi idzva rePSMAS, VaLuxon Zembe, vanoti mukuru wekambani iyi, VaCuthbert Dube, vakamanikidzwa kuenda pamudyandigere muna ndira.

Asi magweta aVaDube eVenturus and Samkange anoti VaDube vachiri pabasa. VaDube vanonzi vaitambiriswa mari inoita mazana maviri nemakumi matatu ezviuru zvemadhora pamwedzi.

Hatina kukwanisa kubata VaDube kana VaZembe kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Asi Dr Parirenyatwa vanoti hurumende ichagadzirisa nyaya iyi kudzamara zvinhu zvanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG